bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 3
Jeremiah 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 4 →
1
“Kana murume akarambana nomudzimai wake, iye akaenda akandova mudzimai womumwe murume, murume uyu angadzokerana naye here? Nyika iyoyo haingan'oreswe zvakanyanya here? Wakaitaka zvoufeve nezvikomba zvakawanda, ungadzokere here, iwe, kwandiri? Ndizvo zviri kurehwa naTenzi.
2
Simudza musoro utarisewo kumitunhu yakatunhumara kusina miti. Ndapapi pausina kuitira chakaipa? Mudzinzira waigara wakamirira zvikomba zvako, sokuhwandira kunoita muArabhu mugwenga. Wan'oresa nyika iwe nounzenza hwako hunosemesa.
3
Ndokusaka mvura yakambomiswa kunaya, mvura yomunhuruka ikarega kuturuka. Asi iwe une uso hwepfambi, haunyari.
4
“Handiti iye zvino unonditi, ‘Baba vangu,’ uchinditi, ‘Muri shamwari yangu kubvira pauduku hwangu,
5
mucharamba makangotsamwa here narini wose; mucharamba makangoshatirwa kusvikira kumagumo here?’ Tarisa uone kuti izvi kutaura unotaura zvako asi iwe wakaita zvakaipa paunokwanisira napo.”
6
Mumazuva amambo Josiya, Tenzi akati kwandiri, “Wakaona here zvakaitwa nomukadzi akapanduka uya, Isiraeri kunekura kwaaiita nezvikomo zvose nepasi pomuti wose wose wakasvibira achiitira ufeve hwake imomo?
7
Ndakafunga kuti, kana apedza kuita kwake kwose ikoko achadzokera kwandiri, asi haana kudzoka, izvozvo munyengedzi munun'una wake Judha uyu, zvaiva mumazisowo make.
8
Judha akaona kuti pamusana poupombwe hwomukadzi asingavimbiki uya, Isiraeri, ini ndakamuramba netsamba yegupuro. Asi munun'una wake, munyengedzi, Judha, hazvina kumbomurovesa hana. Asi ndopaakatondoitawo unzenza.
9
Pamusana pokufumuka kwake nounzenza akan'oresa nyika ino achiita zvounzenza hwokunamata matombo nemiti.
10
Kunyange zvose izvi zvakadaro zvazvo, munyengedzi munun'una wake Judha haana kudzokera kwandiri nomwoyo wose asi zvechipameso chete, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
11
Tenzi akati kwandiri, “Iye Isiraeri mukadzi akapanduka uya, anozvionesa somunhu asina mhosva pane munyengedzi uyu Judha.
12
Enda undoparidza kuchamhembe mazwi aya utaure uchiti: “Zvanzi naTenzi, chidzoka iwe Isiraeri mhandupandu yomunhu. Handichakutsvukisira meso nehasha nokuti ndine ngoni, ndizvo zviri kutaura Tenzi handicharamba ndakashatirwa nokusingaperi.
13
Chako iwe chete, bvuma uipi hwako kuti wakapandukira Tenzi, Mwari wako ukatoti zvako mwarara kurasira makomborero ako kuvamwari vasivo pasi pomuti wose zvawo wakasvibira ubvumewo kuti wakarega kuteerera izwi rangu, ndizvo zviri kurehwa naTenzi.
14
“Zvanzi naTenzi dzokai imi vana vasina kutendeka nokuti ini ndini tenzi wenyu. Ndichakutorai ndichiti muguta iri ndotora mumwechete, mumhuri iyi ndichitora vaviri, ndozokuunzai kuguta reZioni.
15
“Ndichakupai vafudzi vangu vapamwoyo vachakupai chokudya choruzivo nokunzwisisa.
16
Zvanzi naTenzi pamazuva iwayo kana zvino maberekana kwazvo mawanda munyika ino, havachazombodoma kuti, ‘Bhokisi rechitenderano chaTenzi.’ Harisi kana kuzombouya zvaro mumusoro mavo kunyange kurirangarira zvako kana kumborisuwirwawo, harisi kuzombogadzirwa zvakare.
17
Panguva iyoyo guta reJerusaremu rinenge rava kunzi, ‘Chigaro chaTenzi choumambo’. Ndudzi dzose dzavanhu dzichakotonokerako kuJerusaremu muzita raTenzi. Izvozvo vanenge vakanda pasi zvokuomesa musoro nokufuririka nomwoyo wavo wakaipa.
18
Mumazuva iwayo vemba yokwaJudha vachabatana nevemba yokwaIsiraeri. Vachadzoka pamwechete vachibva kunyika kuchamhembe vachiuya kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka yavo.”
19
Ini Tenzi ndakati, “Zvaizofadza seiko kukubatai somumwe wevanakomana vangu ndichikupai nyika yakanaka, nhaka yakanakisisa pane yamamwe marudzi ose. Ndaifunga kuti maizondidaidza kuti, ‘Baba vangu’ musisandifuratire morega kunditevera.
20
Zvinongoita mudzimai anenge apanduka achisiya murume wake, ndokusatendeka kwawakaita iwe imba yaIsiraeri ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
21
Pane kuchema kuri kunzwika pamutunhu wakatunhumara pasina miti, kuhwihwidza nokuteterera kwevanakomana veIsiraeri nokuti vaminamisa gwara ravo, vakanganwa Tenzi, Mwari wavo.
22
Dzokai imi vanakomana vakapanduka ndichakurapai mwoyo wokupanduka. Hezvika, tauya kwamuri nokuti imi ndimi Tenzi, Mwari wedu.
23
Zvomuzvikomo izvi kuzvinyengedza, ndizvo zvimwechetezvo nezhowezhowe inoitwa mamakomo'mu. Chokwadi ruponeso rwedu ruri muna Tenzi, Mwari wedu.
24
“Asi kubvira pauduku hwedu Chakafumuka chakaparadza zvose zvakanga zvashandwa namadzibaba edu zvinoti: matanga emombe nezvimwe zvipfuwo navanakomana vavo navanasikana vavo.
25
Ngatitii pasi ware ware kurara nenyadzi, kunyara kutikwidibire nokuti takatadzira Tenzi, Mwari wedu, isu namadzibaba edu kubvira pahuduku hwedu kusvikira pari nhasi. Uye hatina kuteerera izwi raTenzi, Mwari wedu.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52