bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 49
Jeremiah 49
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 50 →
1
Zvanzi naTenzi nezvevekwaAmoni, “KwaIsiraeri hakuna vanakomana here? Hakunawo here mudyi wenhaka? Ko Mirikomu adarirei kutorera vokwaGadhi nyika, vanhu vake vachitondogara mumaguta avo?
2
“Naizvozvo chinzwai, zvanzi naTenzi, mazuva achasvika andichaitisa kuti ngondo inzwike yokurwisa guta reRabha yevokwaAmoni. Richava chimudhuri chedongo, misha yaro icharoromeswa nomoto. Isiraeri ndopaichapamba vaya vakamboipambawo. Ndizvo zvinotaura Tenzi.
3
“Iwe guta reHeshibhoni hwihwidza kuchema nokuti guta reAi raparara! Ridzai mhere imi vanasikana veRabha! Sungai masaga muchiuno, ungudzai muchimhanya uko nokoko, mukati moruzhowa noruzhowa! Chatovapo ndechichi chokuti iye Mirikomu mwari wenyu achaendwa naye kuutapwa pamwechete navapristi vake namachinda ake.
4
“Chaunozvitutumadzira namapani ako chii, iwe mwanasikana asina kutendeka, iwe unovimba noupfumi hwako uchizviti, ‘Ndiani chaizvo angauye kuzondirwisa?’
5
Chinzwa, zvanzi naTenzi Tenzi wehondo nehondo ndiri kukuunzira kutya kuchibva kumativi munharaunda mako. Muchatandaniswa muchiburitswa kunze munhu wose achitiza nepaakananga napo ipapo pasina anokokorodza vanenge vatiza.
6
“Asi gare gare ndichazodzosera zvangu makomborero evokwaAmoni ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
7
Kune veEdhomu zvanzi naTenzi wehondo nehondo: “Ko munyika yeTemani ungwaru hamusisina here? Vangwaru vapererwa namazano here? Uchenjeri hwavo hwavatiza here?
8
“Pishinukai mutizire kundohwanda munzvimbo dzakadzika-dzika, imi vagari vokuDhedhani nokuti ndichaunza nyatwa yokwaEsau pavari panguva yandichavaranga.
9
“Kuri kuti mavingwa navatanhi vamagirepisi, havangakusiyirei kana mamwe okufuhwa here? Kuri kuti mbavha dzauya nousiku, handiti dzinongopaza pokuzvibatsira idzo chete here?
10
Asi vokwaEsau ndakavasiya vasisina chavanacho. Pavanohwanda ndakapaisa pachena, kuzvivanza haachagoni. Vana vake vakaparadzwa pamwechete navakoma-navanun'una vake, vavakidzani naye vakapararawo, naiyewo hapasisina.
11
Siyai zvenyu nherera dzenyu, ndichadzichengeta dziri mhenyu uyewo chirikadzi dzenyu ngadzivimbe neni.
12
“Nokuti zvanzi naTenzi: ‘Kana vanhu vakanga vasingakodzeri kunwa mukombe iwoyo vakaunwa, ko iwe ndiwe ungazogare here usina kurangwa? Haumborega kurangwa, unotounwa chete.’
13
Nokuti ndakapika neni pachangu, ndizvo zvinotaurwa naTenzi, kuti Bhozira ichava chinhu chinokatyamadza. Ichava chiseko nerenje zvaro nechinhu chine rushambwa uye maguta aro ose achava matongo okugara nokugara.”
14
Ndakanzwa dama rakabva kuna Tenzi nenhume yakatumwa mukati memarudzi avanhu ichiti, “Kokorodzanai pamwechete murwise Edhomu musimuke murwe hondo
15
nokuti, chionai, ndava kukudukupisai pakati pamarudzi ose kukuitai vanhu vakashoreka mukati mavamwe.
16
Kutyisidzira okuzvikudza kwenyu zvakakufurirai, imi munogara mumikaha yamatombo iyemi munotonga misoro muri pameso pamakomo. Kunyange zvazvo mukaisa matendere enyu padengadenga segondo, ini ndichakutozomorai ipapo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
17
“Edhomu ichava chinhu chinokatyamadza. Munhu ose anodimura nemo achakanhamara achiridza muridzo pamusana petsaona dzaro,
18
sezvakaita Sodhomu neGomora pamwechete namaguta akanga akavakidzana nawo paakaparadzwa. Ndizvo zvinotaura Tenzi. Hapana munhu achaita musha imomo kana munhu wokugara kwekanguva chete imomo.
19
Regai muone, ndichaita seshumba yabva mujokochwa romuna Jorodhani ichauya kumafuro, vachaerekana ndava kuvaitisa chimwandamwanda kubva muEdhomu. Ndichaisarudzira chero wandinenge ndada kuti aitonge. Ndinodaro nokuti ndiani akaita seni? Ndiani chaizvo angandigadze dare? Ndoupi mufudzi angamirisane neni?
20
Naizvozvo chinzwai chirongwa charongerwa Edhomu naTenzi nezvaari kuda kuita kuvagari vokwaTemani ivavo chokuti: Kunyange notwana twedanga irori tuchandundurutswa, danga ravo rigonyatsodumbirwa chaizvo nomugumo wavo.
21
Kurira kwokuputsika kwavo kuchadederesa nyika, mhere yokuchema kwavo ichinzwika kuGungwa Dzvuku.
22
Chinzwai mumwe achakwira mudenga ari mhepo zvayo kubhururuka segondo agovinga guta reBhozira akatambanudza mapapiro. Izvozvo mwoyo wavarwi vokuEdhomu musi iwoyo uchaita somwoyo womukadzi ari mumarwadzo pakusununguka.
23
“Izvi ndizvo zvakataurwa nezveDhamasikusi zvokuti, Hamati neAripadhi vatenderera musoro nokuti varikunzwa mashoko akaipa, vaparara nokutya. Vabvongodzeka segungwa risinganyarari.
24
Dhamasikusi yaondoroka yapishinuka ikatiza. Yabatwa nokutya, yarwadziwa mwoyo yasuruvara somukadzi ene mimba yarwadza.
25
Zvauya sei kuti guta risuwe, guta rangu, guta rorufaro.
26
“Naizvozvo majaya aro achati rakata munhandare dzaro, masoja aro ose achaparadzwa zuva iroro. Ndizvo zviri kureva Tenzi wehondo nehondo.
27
“Ndichavesa moto murusvingo rweDhamasikusi ucharoromesa nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo yokwaBhenihadhadhi.”
28
Zvakatongerwa Kedhari nenyika dzeHazori dzakakundwa naNebhukadhireza mambo weBhabhironi. Zvanzi naTenzi, “Simukai murwise Kedhari! Paradzai vanhu vokumabvazuva!
29
Matendhe avo nezvipfuwo zvavo zvinofanira kuti zvitorwe namachira avo okudzikatirisa nezvinhu zvavo zvose, nengamera dzavo vanofanira kuti vazvitore zviendwe nazvo. Varume vachadaidzira kwavari vachiti, ‘Hokoyoi kumativi kwose kwaipa.’
30
Tizai, dzengererai muri kure, garai makadzika, imi vagari veHazori. Ndizvo zvinotaura Tenzi. Nokuti Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akurongerai zano rakaipa, ane chinangwa chakaipa.
31
“Zvanzi naTenzi, Simukai munorwisa rudzi ruri pamutambaratede, rugere zvarwo pasina chinorunetsa rusina misuo mukuru kana zvihuri runogara ruri rwoga.
32
Ngamera dzavo dzinofanira kutorwa, matanga avo emombe apambwa. Vose vanogera vhudzi kuitwa makona mumusoro ndichavati mwarara kumativi kwose. Ndichaita kuti nyatwa dzivakombe kumativi ose, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
33
Guta reHazori richava dambiro zvaro ramakava richazogara riri dongo nokusingaperi. Hapana munhu achagaramo kana wokumbogarawo zvake kwekanguva chete imomo.”
34
Izwi raTenzi rakauya kumuporofita Jeremiya richitaura nezveEramu pakutanga kwokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha rikati,
35
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Regai muone zvenyu ndichatyora uta hweEramu, musimboti wesimba ravo.
36
Ndichaita kuti Eramu ivingwe nemhepo dzokumativi mana edenga ndigovati mwarara kumhepo ina dzose idzodzo. Hakuna rudzi rwavanhu kusingazoendwi nevanenge vadzingwa muEramu.
37
Ndichapinza muEramu mweya woumbwende, wokutya vavengi vavo, navanhu vanotsvaka zvokupfuudza upenyu hwavo. Ndichavapinza nhamo ndigouya nehasha dzinotyisa ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichavatumidzira bakatwa rivaronde kudzamara ndavapedza kuti nho.
38
Izvozvo ndichaisa chigaro changu choumambo muEramu ndigoparadza mambo wavo namachinda avo, ndizvo zvinotaura Tenzi.
39
Asi mumazuva okupedzesera ndichadzosera Eramu makomborero ayo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 50 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52