bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 32
Jeremiah 32
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 33 →
1
Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mugore regumi rokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha riri gore regumi nechisere rokutonga kwaNebhukadhireza.
2
Panguva iyoyo hondo yamambo weBhabhironi yakanga yakakomba Jerusaremu, izvozvo muporofita Jeremiya akanga akapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo yaiva mumuzinda wamambo wokwaJudha.
3
Zvakanga zvaitika ndezvokuti, Zedhekiya mambo wokwaJudha akanga amuisa mujeri achiti, “Unoporofitirei uchiti, zvanzi naTenzi regai muone ndava kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi uye acharitora?
4
Zedhekiya uyu mambo wokwaJudha haasi kuzopunyuka mumaoko mavaKaridhea. Asi achatoiswa chete mumaoko mamambo weBhabhironi vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso vachionana ziso neziso.
5
Achaendesa Zedhekiya kuBhabhironi, achagara ikoko kusvikira ndazomushanyira, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Kunyange zvazvo muchirwisana navaKaridhea sei, hamusi kuzokurira?”
6
Jeremiya akati, “Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati
7
chiona, Hananero mwanakomana wokwaSharumu babamudiki vako, achauya kwauri achiti, ‘Tengai zvenyu munda wangu uri kuAnatoti nokuti mvumo yokuununura muchiutenga ndeyenyu imi.’
8
“Munun'una wangu Hananero akazouyawo kwandiri ndiri munhandare yevachengetedzi vokwamambo maererano neshoko raTenzi akati kwandiri, ‘Tengai henyu munda wangu uri kuAnatoti munyika yokwaBhenjamini nokuti imi ndimi mune mvumo yokutenga neyokuva mwene wawo. Dai henyu mukautenga!’ Ini ndokubva ndaziva kuti ndoshoko raTenzi riya.”
9
Ini ndakatenga munda iwoyo kuAnatoti kumunun'una wangu Hananero ndikamuerera mari yacho yamashekeri esirivha gumi namanomwe.
10
Ndakasaina zita rangu patsamba yechibvumirano chacho ndikaidhinda ndikawana zvapupu ndikaera mari iyoyo pazvikero.
11
Ndakatora tsamba yakadhindwa iyoyo yechibvumirano chokuutenga yakanga iine mitemo yakawiriranwa nezvaizofanira kutevedzwa zvacho neimwewo tsamba.
12
Ndakapa tsamba iyoyo yechibvumirano chokuutenga kuna Bharuku mwanakomana waNeriya mwanakomana wokwaMahiseya. Ndakavapa munun'una wangu Hananero aripo, zvapupu zviya zvakanga zvasainwa patsamba yechibvumirano chokuutenga zviripowo. Izvozvo paivawo navaJudha vakanga vachiita dare munhandare yavachengetedzi vokwamambo.
13
Ndakarayira Bharuku iyoyo aripo kuti,
14
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, tora tsamba idzi dzose dziri mbiri dzinoti yechibvumirano chokutengeserana yakadhindwa, neimwe tsamba iyi udzirongedze mumudziyo wevhu kuitira kuti dzichengetekemo kwenguva refu
15
nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Dzimba namapindu namapindu amagirepisi zvichatengeseranwazve imo munyika muno'mu.’ ”
16
Mushure mokunge ndagamuchidza tsamba yechibvumirano chokutenga ichocho kuna Bharuku mwanakomana wokwaNeriya, ndakanamata kuna Tenzi ndichiti, “Nhai Tenzi Mwari,
17
imimi ndimi makasika matenga napasi nesimba roruoko rwenyu rakakurisa. Hakuna chinokuomerai,
18
imi munoitira mwoyochena zviuru nezviuru muchitsividza mhosva dzamadzibaba kuvana vavo vanouya mushure mavo. Imi ndimi Mwari mukuru mukuru ana masimba ane zita rokuti Tenzi wehondo nehondo,
19
zvamunoronga zvikuru uye mabasa enyu makuru mune meso anoona nzira dzose dzavanhu munowanisa munhu wese mubayiro wezviito zvake maereranowo nezvinobva mukuita kwake.
20
Imi makaonesa zviratidzo nezvishamiso munyika yeIjipiti kusvikira pari nhasi muIsiraeri nomukati mavanhu vose zvavo mukazviwanira zita sezvazviri nhasi uno.
21
Makaburitsa vanhu venyu vaIsiraeri munyika yeIjipiti nezviratidzo nezvishamiso nesimba guru roruoko rwenyu noukuru hwenyu uye nezvinhu zvinodederesa kwazvo.
22
Makazovapa nyika ino yamakatsidza kumadzitateguru avo kuti muchazovapa nyika yakanaka, yomukaka nouchi.
23
Vakapindamo vakaiitawo yavo, asi havana kuteerera izwi renyu kana kutevedza mutemo wenyu. Hapana kana chavakaita pazvinhu zvose zvamakavatemera kuti vaite. Ndokusaka imi makaita kuti nhamo iyi ivawire.
24
“Hezvika, zvimudhuri zvinenge musana wenzou zvokukomba nazvo zvazosvikirawo guta rino kuzoritora. Zvino bakatwa neshangwa yenzara nedenda zvakonzera kuti guta rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vari kurirwisa. Zvamakareva zvaitika uye kana imi muri kutozviona.
25
Zvakadaro zvazvo, imi Tenzi Mwari makanditi, ‘Tenga gura iro nemari uve nezvapupu,’ kunyange zvazvo guta irori ratoiswa mumaoko mavaKaridhea.”
26
Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati,
27
“Chinzwa, ndini Tenzi, Mwari wechose chine mweya wokufema, pane chinhu chingabva chanyatsondiomera here?
28
Naizvozvo zvanzi naTenzi, chiona, ndava kuisa guta rino mumaoko mavaKaridhea nomumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, iye acharitora.
29
VaKaridhea vari kurwisa guta rino vachauya vagotungidza guta rino nomoto varipise pamwechete nedzimba dzine pamatenga paipisirwa rusenzi kuna Bhaari pachiteurwa mipiro yezvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vandishatirise.
30
Chandinodariro ndechokuti vanhu vokwaIsiraeri nevokwaJudha hapana chimwe chavakaita kusara kwouipi chete mumaziso mangu kubvira pauduku hwavo. Vanhu vokwaIsiraeri hakuna chimwe chavakaita kusara kwokungondishatirisa chete netwavanobata namaoko avo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
31
Guta rino rakanditsamwisa rikandishatirisa kubvira musi warakavakwa kusvikira pari nhasi, zvokuti handichadi kuriona mumaziso mangu
32
raparirwa nouipi hwavanhu vokwaIsiraeri navanhu vokwaJudha hwavakaitira kuti vandishatirise, ivo namadzimambo avo namachinda avo navapristi vavo uye navaporofita vavo, vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu.
33
Vakatondipa gotsi vachirega kunditarisa uye kunyange zvazvo ndakaramba ndichivadzidzisa, ivo havana kana kumboteerera kuti vagamuchire zvavaiudzwa.
34
Vakatogadziki zvavo zvandisingade mumba inodaidzwa nezita rangu, kuin'oresa.
35
Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mubani romwanakomana wokwaHinomu pokupira vanakomana vavo navanasikana vavo sezvibayiro kuna Moreki, kunyange zvazvo ini ndisina kuvatuma uye hazvina kana kumbouya mumwoyo mangu kuti vazoita chinhu chandisingade ichi vachipinza vokwaJudha muchitadzo.
36
“Zvino ndokusaka zvava kunzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, maererano neguta irori iri rawati, ‘Ratoiswa mumaoko mamambo weBhabhironi nebakatwa neshangwa yenzara nedenda:’
37
Chinzwa, ndichavakokorodza kunyika dzose kwandakavadzingira ndakatsamwa ndakashatirwa ndakapaka nehasha zvikuru kwazvo. Ndichavadzorera kunzvimbo ino vachizogara vakachengeteka.
38
Vachava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wavo.
39
Ndichavapa mwoyo mumwechete nenzira imwechete kuitira kuti vagonditya narini wose kuti zvivanakire ivo zvichizonakirawo vana vavo vachauya mushure mavo.
40
Ndichaita chitenderano navo chokugara narini wose chokuti handizomborega kuvaitira zvakanaka. Uye ndichaisa mumwoyo mavo mweya wokunditya kuti varege kuzondifuratira.
41
Ndichafarira kuti ndivaitire zvakanaka uye ndichavasima munyika muno nokutendeka ndichizviita nomwoyo wangu wose nomweya wangu wose.
42
“Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi, sezvandakangoita kupinza nhamo vanhu ava ndozvandichangoitawo, ndava kuvawanisa zvakanaka zvose zvandakavavimbisa.
43
Minda ichatengwa munyika iyo ino iyi yauri kuti yava renje risisina munhu kana mhuka yatoiswa mumaoko mavaKaridhea.
44
Minda ichatengwa nemari pachisainiranwa zvibvumirano zvichidhindwa zvine umbowo munyika ino iyi yokwaBhenjamini munzvimbo dzomunharaunda meJerusaremu nomumaguta okwaJudha nomumaguta okunyika yemakomo uye nomumaguta okunyika yokumanhika kuShefera uyewo nomumaguta okuNegevhu nokuti ndichavadzosera makomborero avo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52