bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 6
Jeremiah 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 7 →
1
Tizai muJerusaremu munohwanda imi vanhu vokwaBhenjamini, ridzai hwamanda muTekoa, uye simudzai mumise chiratidzo paBhetihakeremu, nokuti heyo nhamo youya ichibva kuchamhembe, kuparadza kukuru chaizvo.
2
Guta reJerusaremu, mukunda weZiyoni kunyange rakanaka zvaro kudaro ndichariparadza.
3
Vafudzi namatanga ezvipfuwo zvavo, vachadzika misasa yavo yematendhe vakarikomberana mumwe nomumwe achifudzira zvake pachindima chake.
4
“Gadzirirai hondo tivarwise, simukai tivarwise zuva richirova nhongonya.” “Inga tapinda nhamoka isu zuva rava kuvira kudai mimvuri yokudoka kwokunze yava kureba.
5
Simukai tirwise nousiku tiparadze mizinda yaro.”
6
Nokuti zvanzi naTenzi Tenzi wehondo nehondo, “Temerai pasi miti yaro muvake nevhu chinenge musana wenzou kurusvingo rweJerusaremu. Guta irori iri, iguta rinofanira kurangwa, udzvinyiriri ndohuzeremo chete.
7
“Sezvinoita tsime kunyatsochengetedza mvura yaro yakanaka, ndizvo zviri kuita guta irori kunyatsochengetedza uipi hwaro. Utsinye nokuparadza ndizvo zvinonzwika mariri urwere namaronda zviri kugara zviri pameso pangu.
8
Iwe Jerusaremu uchinzwawo! Ndingadaro ndikachekana ukama newe ndinokusiya wangova nzvimbo chete, nyika isina ageremo.”
9
Zvanzi naTenzi Mwari wehondo nehondo: “Vachanyatsoita sokufuhwa mugirepisi vachifuhwa chitsama chavakasara cheIsiraeri, somutanhi wamagirepisi dzokererazve kupinza ruoko rwako mumapazi awo.”
10
“Ndiani chaizvo wandingataurire ndichiyambira kuti vanzwe? Hezvi nzeve dzavo dzakadzivira, havanzwi. Zvamunoona, kwavari ivo, shoko raTenzi rangova chinhu chinoshoreka, havachamborifarirai
11
Ndokusaka ndakapaka kuzara nehasha dzaTenzi, ndaneta nadzo kudzinyaradza. Dzidururire pavana vari mumugwagwa napamapoka amajayawo. Vose zvavo murume nomukadzi vachatapwa, vezera ravakura navakwegura chaivo.”
12
“Misha yavo ichava yavamwe pamwechete neminda yavo namadzimai avo nokuti ini noruoko rwangu ndichasumudza shamhu yokuranga vagari venyika ino, ndizvo zviri kutaura Tenzi,
13
nokuti kubvira kumudiki kusvikira kumukuru wacho chaiye, munhu wose ano makaro okuwana zvinhu nenzira isina kururama, kubvira kumuporofita kusvikira kumupristi munhu wose ari kungoita zvounyengedzi.
14
Kurapa ronda ravanhu vangu, vanorapa zvavo asi zvechipa meso vachiti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare rwacho.
15
Havaifanira kunyara here pavakaita zvakaipa zvisingadiwi naMwari? Kwete havana kana kumbonyara ava. Havazivi kuti kunonyarwa sei. Naizvozvo vachafawo panofira vamwe, panguva yandichavaranga ndipo pavachakundwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
16
Zvanzi naTenzi, “Mirai pamhararano munyatsotarisa, mubvunzisise nezvenzira dzakare kuti gwara rakanaka nderipi mufambe naro muzviwanire zororo.” Asi ivo vakatoti, “Hatidi kufamba mariri.”
17
Ndakaisa vatariri vokukutarirai, ndichiti, “Teererai kurira kwehwamanda.” Asi vanoti, “Hatimboda kana kuzvinzwa izvozvo.”
18
“Saka zvino chinzwai munzwe imi ndudzi dzavanhu, imi gungano ravanhu muzive zvinhu zvichavawira.
19
Iwe nyika, teerera unzwe! Tarisa uone, nhamo dzandava kuuyisa pavanhu ava zvibereko zvetwavanoita, nokuti vakarega kuteerera shoko rangu. Mutemo wangu vakauramba.
20
Chandinouyisirwa rusenzi runobva kuShebha chii, kana idzo nzimbe dzinotapira dzokunyika yokure? Mipiro yenyu yokupisa haigamuchiriki, zvibayirowo zvenyu hazvindifadzi.
21
Ndokusaka zvanzi naTenzi, chinzwa, ndava kuisira vanhu ava zvinhu zvokuvagumbura zvichavagumbura, madzibabawo pamwechete navakomana, vachaparara muvakidzani neshamwari vachaparara.”
22
Zvanzi naTenzi, “Chinzwa, kune vanhu vari kuuya vachibva kunyika yokuchamhembe, rudzi rukuru rwavanhu rwuri kuzhandanuka ruchibva kure kwakaperera nyika chaiko.
23
Vakapakata uta namapfumo, vanoutsinye uye havana tsitsi. Ruzha rwavo runenge ruzha rwegungwa, vanotasva mabhiza akarongana savanhu vari kundorwa hondo kuzorwisa iwe Jerusaremu, mukunda weZioni!”
24
“Takanzwa runyerekupe rwazvo, maoko edu akabva arengenduka, takarwadziwa isu namarwadzo anenge omukadzi ari kusununguka.
25
Regai kupinda mumunda kana kufamba pamugwagwa nokuti muvengi ane bakatwa, zvinotyisa zvapoteredza.”
26
“Iwe mukunda wavanhu vangu, Jerusaremu pfeka masaga uwumburuke mudota uchichema sokuchema mwana mukomana mumwechete oga, kuchema kunosiririsa kwazvo, nokuti nenguva isipi, muparadzi achatiwira.
27
Ndakakuita kuti uve muongorori nomuonorori mukati mavanhu vangu kuti uzive uye uongorore nzira dzavo.
28
Vose zvavo inhunzvatunzva dzakapanduka, vanofambidzana navanamuzvinaguhwa. Vangova sendarira nesimbi; vose zvavo vano kuita kwakaora.
29
Mvuto dziri kufutidza zvinotyisa, mutobvu wonyungurutswa nomoto zvokuuchenesa pasina, nokuti vatadzi havana kubviswa.
30
Vachanzi, marara zvawo esirivha nokuti Tenzi akavaramba.”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52