bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 8
Jeremiah 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 9 →
1
“Tenzi anoti, panguva iyoyo, mapfupa amadzimambo okwaJudha namapfupa amachinda acho uye mapfupa avapristi mapfupa avaporofita namapfupa avagari veJerusaremu achaburitswa mumakuva avo.
2
Achanzi yacha kuyanikwa muzuva nemwedzi uye napamberi pegurusvusvu rezvose zvedenga izvo zvakavatora mwoyo uye zvavaishandira, izvozvo zvavaiteveredza uye zvavaitsvaka vachinamata. Mapfupa iwayo haasiri kuzounganidzwa kana kuzovigwa achangoti warara sendove pasi pavhu.
3
Chitsama chakasara chavanhu vose ivava vemhuri yevaipi vachange vari kunzvimbo dzose kwandakavadzingira chichakungura kuti kufa kuri nani pane kurarama. Ndozviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.”
4
Unofanira kuvataurira kuti, zvanzi naTenzi, “Vanhu pavanoputsika, havasumukezve here? Ko kana munhu atsauka mugwara haadzokezve here?
5
Ko vanhu ava vadarirei kubva varamba vakatsauka zvokupanduka kudai? Vanobatisisa kune zvounyengedzi vachiramba kudzoka.
6
Ndakarerekera nzeve ndichiteerera, asi hapana chakanaka chakabuda mumuromo mavo. Hakuna anopfidza uipi hwake achidemba achiti, ‘Ndicho chii ichochi chandakaita.’ Munhu wose yangova njakenjake sezvinongoita bhiza kumhanya kwazvo richipinda muhondo.
7
“Inga wani kunyange shuramurove zvaro mudenga umu, rinoziva nguva yaro uye njiva kana mherepere kunyange nhapata dzinochengetedza nguva yadzo yokuuya wani. Asi vanhu vangu havamboziva zvavo murao waTenzi.
8
Pakadai apa ndopamungataure here kuti, ‘Tiri vangwaru vevanhu isu uye tinawoka mutemo waTenzi isu?’ Asi chionai kuti, penzura yemanyepo yenyanzvi dzomutemo yakauita kuti muve manyepo.
9
“Vangwaru vachanyadziswa, vachapazamiswa musoro nazvo vachibva vabatwa. Hezvika, vakaramba shoko raTenzi; zvino ungwaru hwavanahwo ndohupi?
10
Naizvozvo vakadzi vavo ndichavapa kuna vamwe; minda yavo ndichipa kune vamwe vokuva varidzi vayo, nokuti kubvira kumudiki kusvikira kumukuru chaiye munhu wose ane makaro okuwana zvinhu nenzira isina kururama. Kubvira kumuporofita kusvikira kumupristi munhu wose ari kungoita zvounyengedzi.
11
“Kurapa ronda ravanhu vangu, vanorapa zvavo, asi zvechipameso vachiti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare rwacho.
12
Havaifanira kunyara here pavakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi? Kwete havana kana kumbonyara. Havazivi kuti kunonyarwa sei. Naizvozvo vachafawo panofira vamwe panguva yandichavaranga ndipo pazvichavaperera, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
13
“Zvanzi naTenzi, pandinenge ndada kuvaunganidza, ndinoona vari somugirepisi usina magirepisi, kana kuti muonde usina maonde, kunyange namashizhawo awo asvava kana zvandakanga ndavapa zvakatopfuura kare kare.
14
“Torambirei takati teshe kugara? Ngatiunganei pamwechete tindopinda mumaguta etsvingo tindopararira imomo zvedu nokuti Tenzi, Mwari wedu atitemera kuparara uye atipa mvura ine chepfu kuti tinwe nokuti isu takatadzira Tenzi.
15
“Taitarisira kuwana rugare asi hapana chakanaka chakauya, tikatarisira nguva yokurapwa, asi zvinotyisa ndozvotoona.
16
Kufemuruka kwamabhiza avo, kunonzwika nokwaDhani. Pamusana poruzha rwokuhwihwidza kwamabhiza avo makono, nyika yose inondengandenga. Vanouya vachisvikoparadza nyika ino nezvose zvizere mairi, guta navanhu vageremo.
17
Ndinodaro nokuti ndava kutuma nyoka mukati menyu, zviva chaizvo zvisina kana mapipi angazvidzivise izvozvo ndizvo zvichakukoborai.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
18
Kurwadziwa mwoyo kwangu hakuna angakunyaradze mukati mangu, mwoyo wangu warwadza.
19
Inzwai kuchema kwemwanasikana wangu, kuchema kwavanhu vangu; kuchibva kose kose munyika ino vachiti, “Ko Tenzi haasi muguta reZioni here? Mambo weZioni haasisimo here muguta imomu? Vakandishatirisirei nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvemabwe zvakavezwa nezvimwe zvifananidzo zvokunamata zvevechirudzi zvisina maturo?
20
“Kukohwa kwakapfuura, mwaka wezhizha wakatopfuura asi hatina kuponeswa.”
21
Chiripo ndechokuti ronda remwanasikana wangu, ronda raivo vanhu vangu ava randirwadza mwoyo. Ndiri kuchema nhamo ini, zvandishayisa chokuita!
22
Ko imo muGireadhi hamunawo pfuta here? Hamuna here murapi imomo? Zvino seiko urwere, hwavanhu vangu ava husina kurapwa?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52