bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 23
Jeremiah 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 24 →
1
Zvichavawana vafudzi vanoparadza vachimwararisa hwai dzamafuro angu! Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
2
Naizvozvo Tenzi, Mwari weIsiraeri ari kutaura zvinonangana nemi vafudzi iyemi munochengeta vanhu vangu achiti, “Makamwararisa danga rehwai dzangu, mukadzidzinga mukarega kudzifudza. Chinzwai, zvino ini ndava kunangana nemi pamusana pezviito zvenyu zvakaipa ndizvo zviri kutaura Tenzi.
3
Ipapo ndopandichakokorodza danga rehwai dzangu dzinenge dzasara kunyika dzese kwandakambodzidzingira ndivaunze mudanga ravo, vachaberekana vagowanda.
4
Ndichavaisira vafudzi vokuvachengeta, uye zvokutya vasisatyi kana kudumbirwa zvako; hakuna kana neimwe icharasika ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
5
Chionai, zvanzi naTenzi, “Mazuva achasvika andichamutsira Dhavhidhi Bazi rakarurama iyeyo achazotonga samambo zvino ungwaru achitonga zvino ruenzaniso zvakarurama munyika muno.
6
Mumazuva ake iyeyu nyika yokwaJudha ichanunurwa, Isiraeri ichagarikika zvakanaka. Iri ndiro zita ravachamudaidza naro rokuti, ‘Tenzihururamihwedu.’
7
“Naizvozvo, chinzwai, zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya acharega vanhu kupika vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa vanhu veIsiraeri munyika yeIjipiti’
8
asi kutoti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa akatungamirira zvizvarwa zvemba yeIsiraeri kubva kunyika yokuchamhembe uye kubva kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira.’ Ndipo pavachazogara munyika yavo chaiyo.
9
“Maererano nezvevaporofita zvandirwadza mumwoyo; zvandisvika pamapfupa chaipo. Ndaita somunhu araradza somunhu adhakwa newaini pamusana paTenzi uye pamusanawo peshoko rake rinoera
10
nokuti nyika yazara mhombwe, pamusana pokurengererwa nyika iri kuchema uye mafuro okurenje aoma. Chavo chavakananga kuipa chete, simba ravo vachiripedzera mukuita zvisina kururama.
11
“Vose zvavo muporofita nomupristi havambotya Mwari kunyange nomumba mangu kuipa kwavo ndakakuona ndizvo zviri kutaura Tenzi.
12
“Naizvozvo kwavari ivo nzira yavo ichava sotunzira tunotsvedza murima mavachatinhirwa vachitsvedzemuka nokuti ndichavapinza nhamo mugore rokurangwa kwavo, ndizvo zvinotaura Tenzi.
13
“Muvaporofita vokuSamaria, ndakaona chinhu chisina musoro chokuti vakaporofita naBhaari. Vakateteresera vanhu vangu veIsiraeri kusiko.
14
“Kana muvaporofita vomuJerusaremu ndakaonawo chinhu chakaora kwazvo chokuti vanoita upombwe vachitevedza nhema zvadzo vachitsigira vaiti vezvakaipa zvokuti hapana anozopinduka achisiyana nouipi hwake. Kwandiri ini, vose zvavo vaita seSodhomu, navagari vacho vaita seGomora.
15
“Naizvozvo Tenzi wehondo nehondo ari kutaura nezvevaporofita ivavo achiti: ‘Chinzwa, ndichadyisa vanhu ivava gavakava, ndichivapa mvura yokunwa ine chepfu nokuti muvaporofita vomuJerusaremu ndimo makabva zvokurega kutya Mwari zvikatekeshera nenyika iyoyi yose.’ ”
16
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musateerere zvinorehwa navaporofita vanoporofita kwamuri vachikuzadzai nezvitarisiro zvisina maturo. Vanotaura nezviratidzo zvomusoro yavo zvisingabvi mumuromo waTenzi.
17
Kune vanhu vanoshora shoko raTenzi vanoramba vachingovati, ‘Zvichakunakirai!’ Uye kune wosewo anenge achitevera zvomusoro wake, vanenge vachingoti, ‘Hapana chakaipa chichakuwira.’
18
“Chiripo chaicho ndechokuti pakati pavo, ndiani chaizvo, akambopindawo mudare raTenzi kundozvionera nokunzwa shoko rake, kana kuti ndiani zvake akamboteerera nokunzwa shoko rake?
19
“Hero dutu remhepo raTenzi rovhuvhuta rakashatirwa chaizvo riri chamupupuri chaicho chine simba chichaputikira pamusoro pavanhu vakaipa.
20
“Hasha dzaTenzi hadzichadzoreki kusvikira atopedza kuita zvaakaronga mumwoyo make. Mumazuva okupedzisira uchanyatsonzwisisa.
21
“Vaporofita ivavo ini handina kuvatuma asi ivo vari kumhanya. Ini handina zvandakataura kwavari asi ivo vari kuporofita.
22
“Dai kuri kuti vakambopindawo mudare rangu, vangadai vakaparidza mazwi angu kuvanhu vangu, vangadaiwo vakavadzora munzira dzavo dzakaipa nokuzviito zvavo zvakaipa.
23
“Tenzi ari kuti ko ndiri Mwari ari pedyo chete, handisi Mwari ari kurewo here?
24
Iye munhu angagone nhai kubva ahwanda munzvimbo dzokuvanda zvokubva ndatadza kumuona? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handiti ini ndinozadza denga nenyika here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
25
Ndakazvinzwa zvinotaura vaporofita vachiporofita zvenhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarotswa! Ndarotswa!’
26
Kusvikira riniko chaizvo mukati mavanhu muine vaporofita vanotaura zvenhema vachiporofita zvomusoro wavo,
27
vanoda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu pamusana pezviroto zvavo zvavanotaurirana sezvakazoita madzibaba avo vakakanganwa zita rangu voyeuka raBhaari.
28
Regai muporofita ane chaarota arotomoke zvake, asi munhu ane shoko rangu ngaaritaure sezvazviri. Musvo wekoroni namashanga hapana maenzanisiro aungazviite? Ndizvo zvinotaura Tenzi.
29
Izwi rangu harina kuita somoto here, ndizvo zviri kutaura Tenzi kana senyundo inopwanya-pwanya mabwe?
30
Naizvozvo chionai zviri kunzi naTenzi handiwirirani navaporofita ivavo vanobirana mashoko avanoti anobva kwandiri.
31
Chinzwai, ini handiwirirani navaporofita vanoshandisa rurimi rwavo vachiti, ‘Zvanzi naTenzi,’ kana kuti, ‘Ndizvo zvinotaura Tenzi.’
32
Chinzwai, ini handiwirirani navanoporofita vanotaura kurotswa kwenhema. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vanozvitaura vachitungamirira vanhu vangu kusiri iko nenhema dzavo nokushaya hanya kwavo ini ndisina kumbovatuma kana kuvaudza kuti vaite. Naizvozvo hapana chavanombobatsira vanhu ava nacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi.
33
“Kana mumwe munhu, muporofita kana mupristi, akubvunzai achiti, ‘Mutoro waTenzi ndoupi?’ Vataurirei kuti, ‘Iyemi ndimi mutoro wacho.’ Ini ndichakukandai kwakadaro, ndizvo zvinotaura Tenzi.
34
Kana ari muporofita kana mupristi kunyange mumwe wavanhu ava anotaura achiti, ‘Mutoro waTenzi’ munhu iyeyo ndichamuranga iye nemba yake.
35
Mose zvenyu muchazotaurirana mumwe nomumwe mugarisani nomugarisani wake, hama nehama muchiti, ‘Nhaimi, Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’
36
Asi regai kuzombodomazve mutoro waTenzi nokuti mutoro iwoyo ishoko rava kurehwa nomunhu wose. Zvino imi munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Tenzi wehondo nehondo, Mwari wedu.
37
Muporofita wacho iyeyo mubvunzei kuti, ‘Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’
38
Asi kana uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ zvanzi naTenzi, pamusana pokutaura kwako ikoko kwokuti, ‘Mutoro waTenzi,’ ini ndakambokutumira yambiro yokuti, rega zvokutaura uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’
39
naizvozvo chinzwa, ndichakusumudza ndigokukanda kure neni, iyewe neguta randakapa iwe namadzibaba ako.
40
Ndichakuita chiseko chenyika narini wose chinhu chinonyadzisa zvokugara zvakadaro zvisingazokanganwiki.”
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52