bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 4
Jeremiah 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 5 →
1
Zvanzi naTenzi “Iwe Isiraeri kana wafunga zvokudzoka, kwandiri ndokwaunofanira kudzokera. Kana ukabvisa pandiri pangu zvinondisemesa izvi usingaite mwoyo miviri
2
uye kana ukapika uchiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu’ uchipika pachokwadi zviri pamwero chaipo zviri mukururama, ndudzi dzavanhu ndopadzichazviwanira zvikomborero pamusana pako; vachiwana mbiri pamusana pako.”
3
Nokuti zvanzi naTenzi kuvanhu vokwaJudha nokuvagari veJerusaremu, “Rimai minda yenyu yakasaruka murege kudyara muminzwa.
4
Zvidzingisirei Tenzi imi vanhu vokwaJudha nemi vagari veJerusaremu. Pakudzingiswa ikoko, chinobviswa chacho, ngachibviswe mumwoyo menyu, ndingadaro ndikakuvirukirai nehasha kunge moto unopisa usina ani angaudzimure pamusana pezvakaipa zvamunoita.”
5
Paridzai maJudha'mu muzivise muJerusaremu muti, “Ridzai mabhosvo nomunyika mose mudaidzire kwazvo muchiti, ‘Unganai tiende tindopinda mumaguta etsvingo!’
6
Simudzai mureza munange kuZioni tizai mundopotera, regai kugara, nokuti ndiri kuunza nhamo inobva kuchamhembe nokuparadza kwakakura kwazvo.
7
Shumba yabuda mumajokochwa mayo; muparadzi wamarudzi avanhu abuda, asimuka achibva kwake, kuzoparadza nyika yako, maguta ako achava matongo, asisina anogaramo.
8
Ipapo iwe chipfeka masaga uungudze ucheme nokuti Tenzi haana kurega kutivirukira kwazvo nehasha.”
9
Zvanzi naTenzi, “Nomusi iwoyo, mambo namachinda vose zvavo vachapererwa nechivindi, vapristi vachadumbirwa nazvo vaporofitawo zvichivaomesa mate mukanwa.”
10
Ini ndokuteterera ndichiti, “Ho baba iwe, nhai Tenzi Mwari, inga marega vanhu ava neJerusaremu iyi vachinyatsonyengedzwa vachinzi, ‘Zvichakunakirai,’ ihwo upenyu hwavo hwatova parumano nehondo yebakatwa.”
11
Panguva iyoyo zvichazonzi kuvanhu ivava uye kuJerusaremu, heyo mhepo inopisa inobva kumatunhu akatunhumara kugwenga ichivinga mwanasikana iyeyu, vanhu vangu kwete mhepo yokuurutsisa kana kuchenesa,
12
mhepo ine simba kwazvo kwazvo yandinotuma ini. Iye zvino izvi ndini ndava kuvatemera chirango.
13
Tarira uone, vouya samakore, hedzo ngoro dzake dzehondo sechamupupuri mabhiza ake, anomhanya anosara pasi. Tawira iwe, taparara!
14
Iwe Jerusaremu shamba zvakaipa zvemwoyo wako kuti uponeswewo. Kusvikira rini chaizvo pfungwa dzouipi idzi dzakagara mauri?
15
Nokuti kwaDhani kwabva shoko riri kuparidza, riri kuparidza nhamo iri kubva kuGomo rokwaEfuremu.
16
Yambira marudzi avanhu kuti ava kuuya, muzivise Jerusaremu kuti, kuri kuuyiwa navakombi vamaguta vanobva kunyika iri kure. Vari kudaidzira kumaguta okwaJudha.
17
Tenzi ari kuti vakomberana Judha savanhu vanochengetedza munda nokuti akandipandukira.
18
Nzira dzako namaitiro ako ndozvakupfukira, ndokupera kwako ikoku. Zvinorwadza zvakusvika pamwoyo chaipo.
19
Maiwe, maiwe, ndinobinduka nokurwadziwa, mwoyo wangu maiwe, mwoyo wangu uri kurova zvakanyanya. Handikwanisi kunyarara nokuti ndiri kunzwa kurira kwamabhosvo, iri yambiro yehondo.
20
Nhamo dzavirikidzana zvakaomarara, nyika yose yaparadzwa, misasa yangu yematendhe yangoerekana yaparara machira angu okudzikatirisa aparara nenguva isipi.
21
Kusvikira riniko ndichingoona mureza uyu ndichingonzwa kurira kwamabhosvo
22
nokuti, “Vanhu vangu mazungairwa, ini handivazivi, mazirema evana, havanzwisisi. Vanochamirira kuita zvakaipa asi kuita zvakanaka havamboziva.”
23
Ndakatarisa panyika, ndikaona paparara, pasisina chiripo. Ndakatarisa kudenga, ndikaona kusina chiedza
24
Ndakatarisa makomo, ndikaona achindengendeka, zvikomo zvose zvichivheya uko nokoko.
25
Ndakatarisa ndikaona pasina kana munhu, kunyange shiri dzose dzedenga dzakanga dzatiza.
26
Ndakatarisa, onei, nyika yaibereka zvibereko zvayo yangove gwenga, maguta ayo ose angove matongo pamberi paTenzi uye nehasha dzake.
27
Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, nyika yose ichaparara, asi handisi kuzoiparadza zvachose.
28
Nyika ichachema nokuda kwaizvozvo, denga kumusoro uko, richasviba nokuti ndizvo zvandatema, ndozvandada. Handimboteti kana kudzokera shure.
29
Pavanongonzwa mutsindo wamabhiza neyevemiseve, guta rose, munhu anobva angoti gumbo ndibereke, zvobva zvongoti runopinda mumajokochwa norunokwira mumatombo, maguta ose anosara angova maguta chete asina munhu anogaramo.
30
Zvino iwe Mushayavanhu, chaunobangopfekera hanzu tsvuku chii? Zvaunobva watozviti memete nezvishongo zvendarama kudai uye kutokudza-kudza meso ako nependi. Chaunozvishongedzera chaizvo hapana, zvikomba zvako izvozvo zvinokuzvidza. Chavanenge vachitotsvaga kukuuraya
31
nokuti ndakanzwa kuchema kunenge kwomukadzi arwadzwa napamuviri kurwadzwa sokwemukadzi ari pakusununguka mwana wokutanga. Mhere yeJerusaremu, mukunda weZioni achitofemuruka achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe zvangu! Ndava kutofizuka zvangu pameso pemhondi.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52