bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 51
Jeremiah 51
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 50
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 52 →
1
Zvanzi naTenzi: “Chinzwa, ndava kumutsa mweya womuparadzi wokuzorwisa Bhabhironi, achirwisa vagari veKaridhea.
2
Ndichatumira kuBhabhironi vapepeti vachazoipepeta zvavo vachirozva nyika yayo kusiya isisina chinhu, pavachaivinga vakaita zvokuikomberana, pazuva iroro renhamo.
3
“Murwi wouta ngaarege kukunga uta kana kumira ari mademautare. Majaya avo musaasiye ari mapenyu paradzai zvokuparadza zviye hondo yayo yose zvayo.
4
“Vachati rakata kufa munyika yevaKaridhea vamwe vakuvadzwa mumigwagwa yayo
5
nokuti vokwaIsiraeri nevokwaJudha havana kubva vafuratirwa naMwari wavo, iye Tenzi wehondo nehondo. Asi nyika yevaKaridhea yakati pamu pamu kuzara nemhosva dzavakatadzira Mutsvene weIsiraeri.
6
“Tizai mukati meBhabhironi regai munhu wose azviponese upenyu. Regai kutsakatiswawo mukurangwa kwayo nokuti iyi ndiyo nguva yokutsividza kwaTenzi achiiwanisa zvakakodzeranawo nayo.
7
“Bhabhironi, mumaoko aTenzi yaiva mukombe chaiwo wendarama ichiraradzisa pasi pose zvapo. Marudzi aidutira waini yayo ndokusaka marudzi akapengeswa nayo.
8
“Bhabhironi yangoyerekana yati ngondo ngondo yapwanywa, ichemei! Iigirei mushonga webharumu wokuitira kurwadzwa kwayo zvimwe ingarapike.
9
“Taida kurapa Bhabhironi asi haina kurapika. Isiyei tiende mumwe nomumwe kunyika kwake nokuti kutongwa kwake, kwasvika kana nokudenga kunyange nomuchadenga umu.
10
“Tenzi aburitsa pachena kuti hatina mhosva. Chiuya tizivise vanhu muguta reZioni basa raTenzi, Mwari wedu.
11
“Rodzai miseve! Zadzai mikutu! “Tenzi amutsa mweya wamadzimambo wavaMidhi nokuti chinangwa chake neBhabhironi ndechokuiparadza, ikoko ndokutsiva kwaTenzi achitsividzira Temberi yake.
12
“Misai mureza patsvingo dzeBhabhironi, zvokugariridza ngazvisimbaradzwe, isai varwi vokugaririra; vokuhwandira ngavagadzirire. Nokuti Tenzi akaronga uye akaita zvaakataura nezvevagari veBhabhironi.
13
“Imi vokugara kumvura yakawanda imi muzere noupfumi penyu pakupererai, mudzira wakabata upenyu hwenyu wadimurwa.
14
“Tenzi wehondo nehondo apika naiye pachake kuti, ndichakuti farara kuzadza navanhu semhashu vacharidza mupururu wokukurira.
15
“Iye nesimba rake ndiye akaita nyika, ndiye noungwaru hwake akasika nyika. Uye nokunzwisisa kwake akawarira matenga.
16
“Paanongoti buritsei muromo mumwechete mvura inodhiriridza mumatenga. Anoita kuti mhute isimuke kubvira kwakaperera nyika achiita kuti mumvura inonaya muve nemheni achiuyisa mhepo ichibva maanoichengetera.
17
“Munhu wose rangova zungairwa, vanongova vanhu vasina ruzivo, mhizha yose yezvendarama ichinyadziswa nezvifananidzo zvayo zvokunamata nokuti zvifananidzo zvayo zvokunamata hazvina maturo uye hazvina mweya unofema mazviri.
18
“Hazvina kana namaturo ibasa risina musoro. Panguva yazvo yokurangwa zvichaparara.
19
“Iye haana kumboita saizvozvi iye mugove wevokwaJakobho nokuti ndiye akasika zvinhu zvose uye verudzi rwechiIsiraeri ndivo rudzi rwake rwenhaka. Zita rake rinonzi Tenzi wehondo nehondo.
20
“Ndiwe nyundo yangu nechombo changu chehondo. Newe ndinopwanyanisa marudzi newe ndinoparadza umambo hwedzinyika.
21
“Newe ndinobvambura-bvambura bhiza nomutasvi waro; newe ndichityoranisa ngoro yehondo nomuchairi wayo.
22
“Newe ndinoita kanyama-kanyama murume kana mukadzi, newe ndichiita kanyama-kanyama munhu wechikuru kana wechiduku. Newe ndinodambura-dambura jaya kana mhandara.
23
“Newe ndinoita kanyama-kanyama mufudzi nedanga rake rezvipfuwo. Newe ndinoita kanyama-kanyama murimi nevechikwata chake. Newe ndinoita kanyama-kanyama vatongi namadzishe.
24
“Ndichatsividza Bhabhironi navagari vose vokuKaridhea iwe uchiona nameso ako pari pamusana pouipi hwose hwavakaita muguta reZioni, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
25
“Chinzwa, ndanangana newe zvino iyewe gomo roumharadzi, ndizvo zviri kutaura Tenzi; iwe unoparadza pasi pose. Ndichasumudza ruoko rwangu ndakanangana newe, ndigokukungurutsira pasi pamawere ndichikuita gomo rakatsva.
26
“Mauri hamusi kuzombotorwa ibwe rokuvakisa pakona, kana ibwe zvaro rokuvakisa ugaro, asi kuti uchava dongo rechigariro, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
27
“Misai mureza pasi ridzai bhosvo mukati memarudzi, gadzirirai marudzi kuti aite hondo nayo. Kokerai umambo hwedzinyika dzimurwise imi munoti vokuArarati nevokuMini nevokuAshikenazi sarudzai mutungamiriri wehondo vokundoyirwisa unzai mabhiza semhashu dzinoparadza.
28
“Gadzirirai marudzi azoita hondo nayo iwo madzimambo okuMidhi namasadunhu awo navatevedzeri vavo nenyika yose zvayo iri pasi payo.
29
“Pasi padedera pamononoka namarwadzo nokuti zvakarongerwa Bhabhironi naTenzi zvinotoitika, zvokuita kuti nyika yeBhabhironi ive dongo zvaro risina ageremo.
30
“Varwi veBhabhironi varega kurwa vangova munhare dzavo dzokuzvidzivirira nadzo hondo simba ravo rapera, vava vakadzi chaivo, misha yavo iri kuririma nomoto zvihuri zvayo zvatyoka.
31
“Vokumhanya vari kuita zvokutosangana nhume ichisanganawo nenhume kundosvitsa shoko kuna mambo weBhabhironi rokuti guta rake ratorwa mativi ose zvawo.
32
“Mazambuko ava mumaoko mavavengi, nhare dzokuzvidzivirira muhondo dzaroromeswa nomoto, varwi vehondo vatenderera nazvo musoro
33
nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, iye mwanasikana uyu, Bhabhironi ava kunge buriro panguva yokupura. Kwangosara kanguva kadikidiki nguva yokukohwa yotosvika.”
34
Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akandizhanya akanditsonda. Akaita kuti ndive mudziyo zvawo usina chinhu, andimedza segaranyanya. Azadza dumbu rake noudobo hwangu andidzumburudza.
35
Utsinye hwandakaitirwa ini pamwechete nehama dzangu, ngahuitirwewo kuBhabhironi. Vagari veguta reZioni ngavati: “Ropa rangu ngaripfukire vagari vekuKaridhea,” regai Jerusaremu idaro.
36
Naizvozvo zvanzi naTenzi, “Chinzwa, ini ndichakumiririra ndigokutsividzira. Gungwa rake ndichariomesa, kasipiti kake ndikaomese kuti gwa.
37
Bhabhironi ichava murwi wamatongo dambiro zvaro ramakava nechinhu chinokatyamadza, chinhu chinoridzirwa muridzo wokusiririswa, isina ageremo.
38
“Vachadzvovedzana pamwechete seshumba vachihon'erana sevana veshumba.
39
Pavanenge vane manyawi kudaro ndichavagadzirira mabiko ndivararadzise kusvikira vafarisa uye kuti vakotsire hope dzomutorododo dzavasingazopepukizve, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
40
Ndichavadzikisa kundobayiwa sehwayana nehondohwe nezvikotora.
41
“Bhabhironi chaiyo, kutorwa uku nhai! Kubatwa here chokwadi iyo chidadiso chapasi pose! Chaiyo Bhabhironi here kuva chinhu chinokatyamadza mukati memarudzi!
42
“Gungwa rachiti fushe fushe kukwidibira Bhabhironi; Bhabhironi rakwidibirwa namasaisai aro anovhavhamuka,
43
maguta aro ava renje zvaro nyika yakaoma, gwenga zvaro nyika isingagare munhu isina kana munhu anopfuura nomo.
44
Uye ndicharangawo Bheru Mwari wavo, muBhabhironi. Ndichamurutsisa zvose zvaakamedza. Marudzi haasi kuzodiranazve kwaari rusvingo rweBhabhironi rwapazika.
45
“Vanhu vangu! Budai mukati mayo! Munhu wose ngaazviponese upenyu kuhasha dzaTenzi dzinotyisa.
46
Regai kurasa mwoyo kana kutya namarehwarehwa anonzwika munyika. Kana pakauya marehwarehwa gore iri kana kuzouya mamwe marehwarehwa mune rimwe gore, kunyange utsinye hwava munyika mutongi worwisana nomutongi.
47
“Naizvozvo, chinzwa, mazuva ari kuuya andicharanga nawo zvifananidzo zvokunamata zveBhabhironi. Nyika yayo yose ichanyadziswa Vose vanenge vaurayiwa vachati rakata mukati mayo.
48
“Izvozvo matenga napasi nazvose zviri mazviri, zvichaimba nomufaro pamusoro peBhabhironi nokuti mharadzi dzichauya kuzoirwisa dzichibva kuchamhembe ndizvo zviri kutaura Tenzi.
49
“Bhabhironi inofanira kuti iparadzwewo pamusana pavaIsiraeri vakaurayiwa, sokuti Bhabhironi yakaparadzawo vanhu vakaurayiwa vepasi pose.
50
“Imi vanyakupunyuka bakatwa, chitoendai musambomira henyu. Muri kure kudaro yeukai Tenzi murangarire Jerusaremu kuti:
51
“Takanyadziswa isu, kutsiudzwa takakunzwa takadonha uso nokunyara nokuti vechirudzi vakapinda munzvimbo dzinoera dzetemberi yaTenzi.
52
“Naizvozvo, mazuva ari kuuya. Ndizvo zviri kutaura Tenzi pandicharanga zvifananidzo zvayo. Munyika yayo yose, vanenge vakuvara vachagomera.
53
“Kunyange Bhabhironi ikareba kukwira mudenga. Uye kunyange kukwira kwayo mudenga kukasimbaradzwa, ndichangoiunzira mharadzi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
54
“Heyo mhere yokuchema muBhabhironi, ruzha rwokuparadza kukuru, ruri kubva munyika yevaKaridhea
55
nokuti Tenzi ari kuparadza Bhabhironi achiita kuti ruzha rwayo rukuru runyarare. Masaisai avo anoriridza semvura zhinji, mheremhere yamazwi avo yakwira mutanda
56
nokuti mharadzi yaivinga yasvikira iyo Bhabhironi. Varwi vayo vehondo vatapwa, uta hwavo hwatyorwa-tyorwa nokuti Tenzi, ndiMwari anotsiva achanyatsotsividza.
57
“Ndichararadzisa machinda ayo navangwaru vayo namasadunhu ayo pamwechete navatungamiriri vehondo vayo navarwi vayo vehondo. Vachakotsira hope dzomutorododo dzavasingazopepukizve ndizvo zviri kutaura Mambo iye anonzi Tenzi wehondo nehondo.
58
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo rusvingo rwakapamhama rweBhabhironi ruchanyatsonzi pasi mwarara, nemisuo mikuru yaro yakareba kudaro icharirimiswa nomoto. Marudzi achashandira nhando, ndudzi dzavanhu dzichitambudzikira zvinhu zvinopiswa nomoto.”
59
Izvi ndizvo zvakarongwa nomuporofita Jeremiya kuti zviitwe naSeraya mwanakomana waNeriya vokwaMahiseya pavakaenda kuBhabhironi naZedhekiya mambo wokwaJudha mugore rake rokutonga rechina. Seraya akanga ari jinda racho.
60
Jeremiya akanyora mubhuku nyatwa dzose dzaizofanira kuwira Bhabhironi namazwi ose iwaya akanyorwa anoera nezveBhabhironi.
61
Jeremiya akati kuna Seraya, “Ukange wazosvika kuBhabhironi, uone kuti mashoko ose iwaya waaverenga uti,
62
‘Imi Tenzi makataura nezvenzvimbo ino kuti muchanyatsoiparadza zvokuti hapana chichazombogaramozve kunyange munhu kana mhuka. Asi kutoti ichava dongo narini wose.’
63
Paunenge wapedza kuverenga bhuku irori risungirire dombo urikande murwizi rwaYufuratesi
64
utaure uchiti, ‘Ndiko kunyura kuchaitawo Bhabhironi ikoku risingazodzumbunukizve zvichikonzerwa nenyatwa dzandichaiunzira.’ ” Apa ndipo paperera mazwi aJeremiya.
← Chapter 50
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 52 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52