bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 9
Jeremiah 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 10 →
1
Dai zvazvo musoro wangu uchingova mvura chete, uye maziso angu ari chisipiti chemisodzi, ndingadai ndichisvimha misodzi siku nesikati kuchema vanenge vaurayiwa, ivo vanhu vangu.
2
Dai zvangu kugwenga'ku ndaiva nedumba ravapfuuri nenzira; ndingadai ndabva muvanhu vangu ndaenda kure navo, nokuti vose zvavo inzenza dzavanhu boka ravanhu vounyengedzi.
3
“Vanokunga rurimi rwavo souta, chavanosimbirira munyika muno manyepo chete, kwete chokwadi nokuti vanoenda kundotutsira uipi pamusoro pohumwe uye havandizivi, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
4
Munhu wose ngaachenjerere mumwe wake, arege kuvimba kana nehama zvayo, nokuti hama ipi neipi zvayo inonyengedza inonyengedza uchitora nzvimbo dzavamwe nokubata vanhu kumeso vose zvavo vangova vanazimwaya.
5
Munhu wose anonyengedza mumwe wake, hapana anotaura chokwadi. Vakajaidza rurimi rwavo kutaura manyepo, vachitoita zvavo zvakaipa. Zvokutendeuka zvava kuvanetsa
6
vachidzvinyirira vanhu vadzvinyirirazve, vachiita unyengedzi pamusoro pohumwe hunyengedzi, vasingadi kundiziva; ndizvo zviri kureva Tenzi.
7
Ndokusaka zvichinzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiona, ndichavachenesa ndivaedze nokuti chimwe chandingaite chii chaizvo pamusana pavanhu vangu.
8
Rurimi rwavo, museve unouraya, runotaura zvokunyengedza. Nomuromo uyu munhu anonyatsokurukurirana nomumwe wake zvakanaka asi mumwoyo make anenge achitoronga zvokumuhwandira.
9
“Pakadai, ndingarege kuvarangira zvinhu izvozvi here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndingarege here kutsividza rudzi rwavanhu vakadai ava?
10
“Ndava kusvimha misodzi ndichiridzira mhere mumakomo ndichichema mafuro okurenje nokuti aparadzwa zvokuti hakuna kana achadimura neko uye kukuma kwomombe hakuchambonzwika ikoko, zvose zvazvo zvinoti shiri dzedenga nemhuka zvati ware kutiza, zvaenda.
11
“Ndichaita kuti guta reJerusaremu rive murwi zvawo wamatongo, nzvimbo inorara makava. Ndichaita kuti maguta okwaJudha asare ava magutawo asina ageremo.
12
“Ndiani ano ungwaru hwokuti agone kunzwisisa izvozvi izvi? Ndiani chaizvo akataurirwa nomuromo naTenzi kuti azvizivise kuvanhu? Nyika yaparadzwa nei kudai kubva yarozvwa kusara yava serenje zvokusawana kana nomumwe anopfuura nemo?”
13
Zvino Tenzi anoti, “Chikonzero chacho ndechokuti vanhu ava vakafuratira mutemo wangu wandakavapa uye vakarega kuteerera izwi rangu kana kuritevedza zvako.
14
Asi vakaita musikanzwa vachitevera zvomusoro wavo. Vakatevedza vanaBhaari sokudzidziswa kwavakaitwa namadzibaba avo.
15
Ndokusaka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: Chinzwa, ndichadyisa vanhu ivava gavakava ndichivapa mvura yokunwa ine chepfu.
16
Ndichavati mwarara mukati mendudzi dzavanhu vavasingamboziva uye vasina kumbozivikanwa namadzibaba avo. Ndichati varondwe nehondo yebakatwa kusvikira ndavatsakatisa.”
17
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chifungai zvokuita, mutodaidza vakadzi vokuchema, panhamo vauye kokai nyanzvi chaidzo dzavakadzi dziuye.
18
“Ngavaite zvokukasika varidze mhere dzokutichema kuti tichururuke misodzi mumaziso medu, mvura iite zvokupfachuka muhwidibiro dzamaziso edu,
19
nokuti mhere yokuhwihwidza yanzwika kuguta reZioni ichiti: ‘Inga taparara isu! Tazonyadziswa zvikuru nokuti tatosiya nyika yedu nokuti vaparadza misha yedu.’
20
“Asi imi vakadzi inzwai shoko raTenzi, murerekere nzeve dzenyu munzwe shoko romuromo wake. Dzidzisai vanasikana venyu nhetembo yokuungudza, mumwe nomumwe wake rwiyo rwengondo yokuchema
21
nokuti rufu rwatipindira napahwindo rukapinda mumizinda yedu ruchipedza vana mumigwagwa'mu namajaya mudzinhandare.
22
Iti, ‘Zvanzi naTenzi zvitunha zvevanhu zvichati kata kata pasi sendove mugura sezvisote pabva mukohwi pasina anovaunganidza.’ ”
23
Zvanzi naTenzi, “Ngwazi ngairege kuzvikudza noungwaru hwayo, gamba rehondo rikande pasi zvokuzvitutumadza nougamba hwaro mupfumi ngaarege kuzvibhebhesa noupfumi hwake.
24
Asi kutoti munhu anenge achizvipa mbiri ngaazvirumbidzire kuti anenge achindinzwisisa uye achindiziva kuti “Ini ndini Tenzi ndinoita panyika mwoyochena noruenzaniso nokururama nokuti izvozvi izvi ndozvandinofarira ndizvo zviri kutaura Tenzi.
25
“Zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andicharanga vose zvavo vanozviti vakadzingiswa asi ivo vasina kudzingiswa-venyika yeIjipiti nokwaJudha neEdhomu navanakomana vokwaAmoni nevekwaMoabhu uye vose zvavo vagere mugwenga vanovevura makona evhudzi ravo nokuti ndudzi dzose idzodzi ndedzavanhu vasina kudzingiswa.
26
Asi vose zvavo vemba yaIsiraeri, mumwoyo'mu ndimo mavasina kudzingiswa.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52