bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 29
Jeremiah 29
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 30 →
1
Haanoi mashoko etsamba yakatumirwa naJeremiya ichibva kuJerusaremu ichienda kuvakuru vakuru vose vevakatapwa vaya, nokuvapristi nokuvaporofita nokuvanhu vose vakanga vatapwa naNebhukadhineza muJerusaremu vachiendwa navo kuutapwa kuBhabhironi.
2
Izvozvo maiva mushure mokunge mambo Jekoniya naamai vamambo uyu navayuniki namachinda okwaJudha neveJerusaremu nenyanzvi dzamabasa amaoko nemhizha dzezvoutare dzabva muJerusaremu.
3
Tsamba iyi yakatumidzirwa namaoko aErasa mwanakomana waShafani aina Gemariya mwanakomana waHirikiya akatumwa naZedhekiya mambo wokwaJudha kuBhabhironi kuna Nebhukadhineza mambo weBhabhironi ichiti:
4
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri kunemi nhapwa dzose dzandakaendesa kuBhabhironi kuutapwa dzichibva kuJerusaremu:
5
“Vakai dzimba mugaremo zvenyu, simai mapindu mudye zvinobudamo.
6
Roorai vakadzi muve navana vakomana navasikana. Roorerai vakadzi vanakomana venyu muroodzewo vanasikana venyu kuti vabereke vana vakomana navasikana muwande ikoko murege kushomeka.
7
Vavarirai kuti guta randinenge ndakuendesai muutapwa rive norugare murinamatire kuna Tenzi nokuti kugarika kwaro ndiko kugarikawo kwenyu.
8
Chandinodariro ndechokuti, zvanzi naTenzi, Mwari wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, Musanyengedzwe navaporofita venyu vari mukati menyu. Musanzwe zviroto zvavanorotomoka
9
nokuti inhema dzavanoprofita kwamuri muzita rangu. Handina kumbovatuma, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
10
“Nokuti zvanzi naTenzi, kana Bhabhironi yapedza makore makumi manomwe, ndichazokushanyirai ndigokuitirai zvandavimbisa ndigokudzoserai kunzvimbo ino,
11
nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro.
12
Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai.
13
Muchanditsvaka mugondiwana kana manditsvaka nemwoyo wose.
14
Muchandiwana ndizvo zviri kutaura Tenzi ndigokudzoserai makomborero enyu ndigokukokorodzai kumarudzi ose nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai ndichikudzoserai kwandakambokubvisai pandakakuendesai kuutapwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
15
“Pamusana pokuti imi mava kuti Tenzi azotimutsira vaporofita muBhabhironi,
16
hezvinoi zviri kutaura Tenzi nezvamambo agere pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi uye nezvevanhu vose vagere muguta rino ivo hama dzenyu dzisina kuenda nemi kuutapwa.
17
Tenzi wehondo nehondo anoti, ‘Regai muone, ndava kuvatumira bakatwa neshangwa yenzara nedenda. Uye ndivaite samaonde akaora kwazvo aipa zvokuti haadyiki.’
18
Ndichavaronda nebakatwa neshangwa yenzara nedenda ndichiita kuti vave chinhu chinotyisa kunyika dzose dzapasi pano charengererwa rushambwa chinodederwa, chinoridzirwa tsamwa nechiseko zvacho mukati memarudzi kwandakavadzingira
19
nokuti vakaramba kuteerera mashoko angu ndizvo zviri kutaura Tenzi; andakaramba ndichitumira kwamuri navaranda vangu vaporofita. Asi imi zvokuteerera, makaramba ndizvo zvinotaura Tenzi.
20
Ipapo inzwai shoko raTenzi, imi mose nhapwa dzandakabvisa kuJerusaremu ndichidziendesa kuBhabhironi inzwai shoko raTenzi.
21
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri nezvaAhabhu mwanakomana waKoraya uye nezvaZedhekiya mwanakomana waMaaseya vari kuporofita kwamuri muzita rangu, chinzwai, ndichavaisa mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi achavauraya makatarisa.
22
Ivava ava vachakonzera kuti nhapwa dzose dzokwaJudha dziri muBhabhironi dzizogarotaura tsumo yorushambwa yokuti: ‘Tenzi ngaakuite hwaZedhekiya naAhabhu vakakangwa mumoto namambo weBhabhironi’
23
nokuti vanoita zvinhu zvoupenzi muIsiraeri, vakaita upombwe namadzimai evamwe vavo vakataura muzita rangu zvinhu zvokunyepa zvandisina kumbovatuma. Ini iyeni ndinozviziva uye ndini chapupu chacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi.”
24
Kuna Shemaya wokuNeheramu iti:
25
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Wakatumiraka iwe matsamba muzita rako kuvanhu vose vari muJerusaremu nokunaZefaniya mwanakomana wokwaMaaseya mupristi, nokuvapristi vose’ uchiti,
26
‘Tenzi akuita mupristi panzvimbo pomupristi Jehoyadha kuti uve mukuru wokuona nezvomumba maTenzi uye benzi rose rinenge richiporofita riri pasi pako kuti uriise muchitokisi nesimbi muhuro.’
27
Zvino wakarega nei kutsiura Jeremiya wokuAnatoti ari kukuporofita?
28
Hezvi akatitumira shoko kuBhabhironi rokuti, ‘Kuchaita nguva ndefu chaiyo muri kuutapwa. Chivakai dzimba mugaremo henyu musime mapindu mudye michero yawo.’ ”
29
Mupristi Zefaniya vakaverenga tsamba iyoyi muporofita Jeremiya achizvinzwira.
30
Izwi raTenzi rakabva rauya kuna muporofita Jeremiya rikati,
31
“Endesa shoko kunhapwa dzose rokuti hezvinoi zviri kutaurwa naTenzi zvakanangana naShemaya wokuNeheramu. Pamusana pokuti Shemaya akaporofita kwamuri ini ndisina kumutuma akakuitai kuti muvimbe nenhema,
32
naizvozvo Tenzi anoti ndicharanga Shemaya wokuNeheramu nezvizvarwa zvake. Hapana kana nomumwe wokwake achava mupenyu kuti azoonawo zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zviri kurehwa naTenzi nokuti akataura mazwi okupandukira Tenzi.”
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52