bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 33
Jeremiah 33
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 34 →
1
Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya kechipiri paakanga achakapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo
2
rikati, zvanzi naTenzi, iye akasika nyika akaiumba akaisimbisa, zita rake ndiYahweh, anoti,
3
“Daidzirai kwandiri ndinokupindurai ndichikuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusati mamboziva.
4
Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri nezvedzimba dzeguta rino uye nezvemizinda yamadzimambo okwaJudha zvakapazirwa kuti pavakwe zvokuzvidzivirira nazvo kuhondo yezvimidhuri zvinenge musana wenzou nokubakatwa,
5
vaKaridhea vari kuuya muno kuzorwisa nokudzizadza nezvitunha zvavanhu vandicharakatisa ndakatsamwa ndakashatirwa. Chandinodariro ndechokuti guta rino ndakatorifuratira pamusana pouipi hwavo vose.
6
Chionai, ndichariwanisa utano nokuriporesa uye ndichavarapa ndichivaonesa kubudirira chaiko kwakanyanya nokuchengetedzeka.
7
Ndichachinja utapwa hwevokwaJudha noutapwa hwevokwaIsiraeri, ndichavavaka kuti vaite sezvavaiva pakutanga.
8
Ndichavachenura kuuipi hwavo hwose hwavakanditadzira nahwo ndigovaregerera uipi hwavo hwose hwavakanditadzira nahwo nokundipandukira kwavo.
9
Jerusaremu ichandiwanisa zita rinopembererwa nokurumbidzwa nembiri kumarudzi ose apasi pano achanzwa zvakanaka zvose zvandinovaitira. Vachatya vakadedereswa nezvakanaka zvacho zvose izvozvo uye pamusana pokubudirira kwandichaiwanisa.”
10
Zvanzi naTenzi, munzvimbo ino iyi yaunoti, “Yava dongo risina munhu kana mhuka, imo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu zvaparara izvi zvisisina munhu ageremo kana mhuka, muchatozonzwikazve
11
chikwe-e chokuseka nemheremhere yokufara neyokupemberera mwenga nokufarira murume wacho nomumhanzi wevanoimba vachiuya nemipiro yokutenda kumba yaTenzi vachiti: “Tendai Tenzi wehondo nehondo nokuti Tenzi akanaka nokuti mwoyochena wake hauperi! Ndinodaro nokuti ndichachinja utapwa hwenyika iyoyi igova sapakutanga, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
12
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Munzvimbo ino iyoyi yava dongo risisina munhu kana mhuka nomumaguta ayo ose, muchavazve nemisasa yavafudzi vachizorodza zvavo matanga avo.
13
Mumaguta omunyika yamakomo nomumaguta okunyika yokunhika kuShefera uye nomumaguta okuNegevhu nokunyika yokwaBhenjamini munzvimbo dzose dzomunharaunda meJerusaremu nomumaguta okwaJudha, matanga ezvipfuwo achapfuura zvakare napasi poruoko rweanoaverenga ndizvo zviri kutaura Tenzi.
14
“Chinzwai, zvanzi naTenzi, mazuva ari kuuya andichazadzisa nawo zvandakavimbisa imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha.
15
Mumazuva iwayo uye panguva iyoyo, ndichaita kuti rimwe Bukira rakarurama ritunge kuitira Dhavhidhi. Iye achazotonga zvine ruenzaniso nokururama munyika iyoyi.
16
Namazuva iwayo nyika yokwaJudha ichaponeswa, Jerusaremu igonyatsogarika. Izvozvo zita raichazenge yava kudaidzwa naro nderiri rokuti: ‘Tenzisakururamakwedu.’
17
Chinodariso ndechokuti zvanzi naTenzi, Dhavhidhi haasi kuzomboshaya murume wokwake wokugara pachigaro choumambo hweIsiraeri
18
uye vapristi vechiRevhi havazombofa vashayawo mumwe wokwavo wokupira pandiri mipiro yokupisa uye kupisa mipiro youpfu hwembesanwa nokuita zvibayiro narini wose.”
19
Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati,
20
“Zvanzi naTenzi, kana mukagona kutyora chitenderano changu chandakaitirana nesiku kana chitenderano changu chandakaitirana nesikati zvokuti masikati kana usiku zvibva zvarega kuuya nenguva yazvo yazvakatemerwa,
21
kana zvadaro chitenderano changu naDhavhidhi chingatyorwewo zvacho zvokuti haazombofa akava nemwanakomana angazogara pachigaro choumambo hwokwake ndizvo zvimwechetezvo nechitenderano changu navapristi vechiRevhi vashumiri vangu.
22
Sezvakangoita gurusvusvu rezvinhu zvomudenga risina angariverenge uye jecha regungwa risingapimiki, izvozvo ndozvandichangoita kuti zvizvarwa zvokwaDhavhidhi muranda wangu zviwande navapristi vechiRevhi vanoshumira kwandiri.”
23
Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya richiti,
24
“Zviri kutaura vanhu ava hauna kumbozviongororawo here zvokuti, Tenzi akaramba mhuri mbiri dzaakanga asarudza? Ipapo vanozvidza vanhu vangu zvokuti, kutaura kuno, vava kutovaona sorudzi pasina.
25
Zvanzi naTenzi, dai ndakanga ndisina kunge ndakaitirana chitenderano nesiku kana nesikati nezvirongwa zvedenga napasi
26
ndingadaiwo ndaizoramba zvizvarwa zvokwaJakobho nezvokwaDhavhidhi muranda wangu ndichibva ndarega kuzvisarudzira kana nomumwe zvake wechizvarwa chokwake wokuzotonga vembeu yokwaAbhurahamu naIsaki naJakobho nokuti ndichachinja utapwa hwavo ndichavanzwirawo ngoni.”
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52