bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 42
Jeremiah 42
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 43 →
1
Vatungamiriri vose vehondo dzavarwi naJohanani mwanakomana waKarea naJezaniya mwanakomana waHoshaya pamwechete navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye
2
vakaenda kumuporofita Jeremiya vakati kwaari, “Inzwaiwo chichemo chedu mutinamatire kuna Tenzi, Mwari wenyu muchinyengeterera chitsama chavose vakasara ichi (nokuti tangosara tava vashomanana pavazhinji vaya sokutiona kwamuri kungoita nameso enyu)
3
kuitira kuti Tenzi Mwari wenyu atiratidzewo gwara ratinofanira kutevedza uye nezvatinofanira kuti tiite.”
4
Muporofita Jeremiya akavapindura achiti, “Ndazvinzwa! Chionai ndichanamata kuna Tenzi, Mwari wenyu maererano nechichemo chenyu. Mhinduro yose yandinenge ndapiwa naTenzi, ini ndichakutaurirai. Handisi kuzombokuvanzirai kana chinhu.”
5
Ivo ndokuti kuna Jeremiya, “Dai Tenzi angova chapupu chechokwadi chakatendeka kwatiri kana isu tikarega kuita zvose zvinenge zvarehwa naTenzi akutumai kwatiri.
6
Kunyange zvikava zvakanaka kana zvakaipa, chedu isu kuteerera chete izwi raTenzi, Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuitira kuti zvitinakire patinenge tateerera izwi raTenzi, Mwari wedu.”
7
Kuzoti kwapera gumi ramazuva shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya.
8
Iye akabva adaidza Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vehondo dzavarwi vaiva naye navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye akati kwavari,
9
“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri kuya kwamakandituma kundosvitsa chichemo chenyu:
10
‘Kana mukaramba muri munyika muno iniwo ndichakuvakai ndisingakupazei. Ndichakusimai ndisingakudzipurei nokuti ndinorwadziwa mwoyo nenhamo yandakakupinzai.
11
Regai kutya mambo weBhabhironi wamunodai kudedera. Musambomutya zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti ndinemi kuitira kuti ndikuponesei ndichikununurai mumaoko make.
12
Ndichakunzwirai ngoni kuti iye agokuitiraiwo tsiye nyoro kuti mugare munyika yenyu chaiyo.’
13
“Asi kana imi mukati, ‘Hatisi kuda kuramba tiri munyika,’ muchiramba kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu muchiti henyu,
14
‘Kwete isu tichaenda kunyika yeIjipiti kwatisingazoonizve hondo kana kunzwa kurira kwehwamanda kunyange nenzara yechokudya ndokwatichandogara ikoko,’
15
nezvo imi chitsama chakasara chevokwaJudha chinzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Kana mukava nepfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako,
16
bakatwa ramuri kutya richakuwirai ikoko munyika yeIjipiti makaremo, neshangwa yenzara yacho yamuri kuzeza ichatsviriridza kusonana nemi kuIjipiti mufire ikoko.
17
Vanhu vose vanoisa mwoyo papfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, vachafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda pasina wavo anosara kana anopunyuka rufu kunhamo dzose dzandichavauyisira.’
18
“Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Sokuviruka kwandakaita ndatsamwa nehasha ndikadziwodzvorera pavagari veJerusaremu, ndokuwodzvorera kwandichakuitirai hasha dzangu kana mukangoenda kuIjipiti. Muchava sendove chinhu chinokatyamadza chine rushamba chiseko zvacho. Nzvimbo ino hamuzombofa makaionazve.’
19
“Imi chitsama chakasara chovokwaJudha Tenzi ati kwamuri, ‘Regai kuenda kuIjipiti.’ Nyatsozivai kuti nhasi uno ndakuyambirai
20
kuti uku ndokutorasika kwamava kutoita muchida kuzviurayisa henyu. Handiti makandituma kuna Tenzi, Mwari wenyu muchiti, ‘Tinamatirewo kuna Tenzi, Mwari wedu, uye chose zvacho chinenge charehwa naTenzi Mwari wedu tiudze tigozviita.’
21
Zvino ini nhasi uno ndakutaurirai. Asi imi hamuna kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu, pazvinhu zvose zvaakandituma kuzokutaurirai.
22
Saka zvino mochinyatsoziva kuti chenyu imi kufa chete nebakatwa neshangwa yenzara nedenda munzvimbo yacho iyoyo kwamuri kurwarira kundogara.”
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 43 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52