bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 48
Jeremiah 48
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 49 →
1
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri nezveMoabhu, “Zvazoriwana guta reNebho nokuti raparara, Kiriyataimu yanyadziswa, yatorwa, guta remasvingo rafumurwa rapazwa.
2
Mbiri yeMoabhu hapasisina muguta reHeshibhoni imomo vakarirongera bangano rakaipa rokuti, ‘Uyai tiritsakatise sorudzi.’ Nairowo guta reMadhimeni richaitwa kuti riti zirikiti kunyarara, bakatwa richakuronda.
3
“Heyo mhere yarira kuHoronaimu! Hero dongo zvaro, raparara zvokuparara zviya!
4
Moabhu yaparara, heyo mhere yepwere dzacho
5
nokuti vanokwira mukwidza wokuRuhiti iri mhere chete kuhwihwidza nokuti pamateru okuHoronaimu heyo mhere yenhamo yokuparadzwa.
6
“Tizai muzviponese. Itai sedhongi romusango murenje,
7
pari pamusana pokuti makavimbaka imi namabasa enyu noupfumi hwenyu, newewo uchatotorwa iye mwari wenyu Kemoshi achaendwa naye kuutapwa, pamwechete navapristi vake namachinda ake.
8
“Mharadzi ichasvika mumaguta ose pasina kana guta rinopapunyuka, nhika ichaparara bani richiparadzwa sokureva kwakaita Tenzi.
9
Ipa Moabhu mapapiro kuti abhururuke, maguta ayo achava matongo asina munhu ageremo.”
10
Ngaawirwe norushambwa munhu asingaite basa raTenzi nomwoyo wose. Ngaawirwe norushambwa munhu anochengeta zvake bakatwa asingadeure ropa naro.
11
Moabhu yakagarika kubvira paupwere hwayo uye igere zvayo kudivi ramakomo kusina mhepo. Haina kana kumbokwengurwa zvayo, chirongo nechirongo kana kutomboendeswa muutapwa. Saka mukanwa mayo muchakangodaro kunhuwirira kwayo hakusatiwo kwasanduka.
12
“Naizvozvo, zvanzi naTenzi chinzwai, ‘Mazuva ari kuuya andichaitumidzira vadeuri vachamurereka vagokwengura midziyo yayo vachipwanya-pwanya zvirongo zvayo.’
13
Ipapo Moabhu ichanyara namwari wayo, Kemoshi, sokunyara kwakaita imba yeIsiraeri neBhetieri chivimbo chayo.
14
“Chamungabangotaurirawo muchizviti, ‘Tiri magamba chaiwo chii, nemvumba chaidzo dzokurwa hondo,’
15
Mharadzi dzeMoabhu namaguta ayo vakwidza kuno uku. Majaya ayo, ano chaiwo, akasvika achiti zvino rororo kufa. Ndizvo zviri kutaura Mambo ane zita rokuti Tenzi wehondo nehondo.
16
Nyatwa yeMoabhu yasvika nhamo yayo iri kumhanya kuuya.
17
Ichemei imi mose muri munharaunda yayo yakaitenderera nemi mose munoiziva nezita. Itii: ‘Zvauya sei chokwadi kuti tsvimbo huru youmambo ityoke, mudonzvo wacho wembiri.’
18
Jitika pambiri yako apo ugarewo pasi pakati kukutu kuoma, iwe mugari weDhibhoni nokuti mharadzi yeMoabhu yakuvinga ikaparadza nzvimbo dzoko dzokuhwanda muhondo.
19
Mira panzira utarise iwe mugari wokuAroero ubvunze mutizi nomupunyuki kuti, ‘Zvaita sei?’
20
Moabhu yanyadziswa nokuti yaputsika, hwihwidzai muchichema! Udza vanhu muna Arinoni kuti, Moabhu yaparara.
21
“Yasvika nguva yokutongwa kwenyika yomuzanda wakasandarika neHoroni neJahiza neMefaati
22
neDhibhoni neNebho neBhetidhibhuratimu
23
neKiriyataimu neBhetigamuri neBhetimeoni
24
neKiriati neBhozira namaguta ose enyika yeMoabhu okure neepedyo.
25
Umambo hwekwaMoabhu hwaparara, simba reMoabhu rakaparara. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
26
“Muraradzisei nokuti azvitutumadza kwazvo pana Tenzi muite kuti Moabhu isare yava kuumburuka mumarutsi ayo iyowo ive chiseko chenyika.
27
Handiti Isiraeri yanga iri chiseko chako iwe Moabhu. Iyo Isiraeri yakambowanikwa iri pakati pembavha here, zvaunobva wati paunongotaura nezvayo unobva wadzungudza musoro kudaro?
28
“Tamai mumaguta mundogara mubako, imi vagari veMoabhu. Itai hwenjiva inovaka dendere mumativi memipata yamakomo.
29
Guhu rokuzvikudza kweMoabhu takarinzwa, kuzvikudza kukuru kwazvo nokuzvitutumadza kwayo nokuzvizuwidza kwayo nokuzvidadisa kwayo nomwoyo wayo wokuzvinyundumadza.
30
“Ndinoziva unhunzvatunzva hwayo, kuzvikudza kwayo hakuna zviripo zviito zvayo hazvina maturo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
31
Ndokusaka ndichihwihwidza kuchema Moabhu, ndinobongomora mhere kuchema Moabhu yose, ndinochema vanhu vokuKiriheresi.
32
“Iwe mugirepisi weSibhuma, ndinokuchema kupinda gungwa reJazeru! Mapazi ako anotandira napamusoro pegungwa kusvikira nokuJazeru. Michero yako yapazhizha nezvinobva mumunda wamagiresi zvawirwa nomuparadzi.
33
“Rufaro nokupembera zvabviswa munyika inobereka zvakawanda, nyika yeMoabhu. Ndakaita kuti waini ipwe muzvisviniro zvewaini. Hapana achambokanya magirepisi nenziyo dzokufara, kudaidzira kwaro hakusisiri kwokufara.
34
“Maguta Heshibhoni neEreare aridza mhere nokuJahazi kwose vadudza nezwi ravo kubvira kuZoari kusvikira kuHoronaimu nokuEgiratishereishiya. Chiripo ndechokuti mvura yokuNimurimu yaperawo.
35
Izvozvi ndava kuita kuti Moabhu zvichiiperera, ndizvo zvinotaura Tenzi, iyo Moabhu inopira chibayiro panzvimbo yakatunhumara yokuteurira ichipisira rusenzi kuna mwari wayo.
36
Ndokusaka ndichidandaura mumwoyo senyere, ndichichema Moabhu. Mwoyo wangu uri kuchema senyere vanhu vokuKiriheresi nokuti upfumi hwavanga vazviwanira hwaparara.
37
“Musoro woga woga wakaveurwa, uye ndebvu dzose dzaguswa, akachekwachekwa maoko ose akasungira saga muchiuno.
38
Pamatenga ose edzimba dzeMoabhu napamisika yayo kunongova kuchema koga koga, nokuti ndakapwanya Moabhu sehari isina achaida. Ndizvo zvinotaurwa naTenzi.
39
Kupwanyika here ikoko! Kuungudza here ikoko! Kudzoka here ikoko kwakaita Moabhu achinyara! Moabhu yava chiseko chenyika nechinhu chinokatyamadza vose vomunharaunda yayo.”
40
Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi: “Mamboti maonei zvenyu, kuchaita munhu achabhururuka ari mhepo zvayo kumhanya segondo, achitambanudzira mapapiro ake kurwisa Moabhu!
41
Maguta achatorwa uye nhare dzokuzvidzivirira muhondo dzichabvutwa. Mwoyo yavarwi veMoabhu, pazuva iroro, ichaita semwoyo womukadzi ari pakusununguka.
42
Moabhu ichaparadzwa isisazovazve rudzi, pamusana pokuti yakazvitutumadza ichirwisana naTenzi.
43
Kutyisa negomba nomusungo zvakumirira iwe mugari weMoabhu. Ndizvo zvinotaura Tenzi.
44
“Anenge atiza zvinhu zvinotyisa achawira muhunza anenge abuda muhunza imomo achabatwa nomusungo nokuti ndichapinza Moabhu muna izvozvi mugore rokurangwa kwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
45
Mumumvuri weHeshibhoni vatizi vanombomiramo simba ravaperera nokuti muHeshibhoni mabvira moto, murazvo wabvira mumba maSihoni. Waroromesa huma yeMoabhu, ndaza youmambo hwokuvanakomana vebongozozo.
46
“Zvakuwana iwe Moabhu! Vanamati vaKemoshi pavo pavaperera nokuti vanakomana venyu navanasikana venyu vakatapwa vaendwa navo kuutapwa.
47
“Zvakadaro zvazvo ndichadzosera Moabhu makomborero ayo mune ramangwana,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvarehwa izvozvi ndokutongwa kuchaitwa Moabhu.
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 49 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52