bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 30
Jeremiah 30
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 31 →
1
Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti,
2
“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, nyora mubhuku mashoko ose andakakutaurira
3
nokuti zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andichadzosera vanhu vangu vokwaIsiraeri nevokwaJudha makomborero, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Uye ndichavaunzazve kunyika yandakapa kumadzibaba avo vagoiitazve yavo.”
4
Aya mazwi akataurwa naTenzi achireva nezvevokwaIsiraeri novokwaJudha:
5
“Zvanzi naTenzi, ‘Takanzwa mhere inodederesa inotyisa isina rugare.’
6
“Imbobvunzai zvenyu muzvione, munhurume angapone mwana here? Zvamboita sei chaizvo kuti ini ndione murume wose akabata chiuno namaoko somukadzi ari pakusununguka? Uso hwomunhu wose kuchenuruka kudai zvaita sei chaizvo?
7
“Hezvino ndakadai, ‘Zuva iroro izuva guru, hakuna kana nerimwe rakaita sairoro, inguva yenhamo chaiyo kune vokwaJakobho asi vachanunurwa zvavo mariri.’ ”
8
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musi iwoyo zvichaitika ndezvokuti ndichatyora joko ndichiribvisa mumutsipa mavo uye ndichagwishura tambo dzenyu, vechirudzi havazombova madzichangamire avo.
9
“Asi kutoti vachashandira Tenzi, Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo wandichavamutsira.
10
“Zvino iwe Jakobho, muranda wangu, rega zvako kutya, kana kudumbirwa nazvo iwe Isiraeri, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi, nokuti, chionai, ndichakununurai ikoko kunzvimbo iri kure. Vana vako ndichavanunura munyika youranda hwavo. VokwaJakobho vachadzoka vavave norunyararo norudekaro, hapana achavatyisidzira
11
nokuti ndinemi kuitira kuti ndikununurei, ndizvo zvinorehwa naTenzi. Nokuti marudzi ekwandakakumwararidzai ndichaaparadza imi handisi kuzokuparadzai zvachose, asi ndichakurangaiwo nemwerowo wakafanira, handisi kuzokuregai musina kurangwa.”
12
Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi, “Kukuvara kwenyu hakucharapiki, ronda renyu rakakurisisa.
13
Chichemo chako hachina achapipirira, hapana mushonga weronda rako, zvokupora haupore.
14
“Vadiwa vako vose vakukanganwa, havana kana hanya newe nokuti ndakakurova nokurova kwomuvengi, chirango chomuvengi ane utsinye nokuti mhosva yako ihuru, nokuti zvitadzo zvako zvakawanda.
15
Chaunochema kukuvadzwa kwako chii? Marwadzo ako haachapora Pamusana pokukura kwemhosva yako, pamusanawo pokuwanda kwezvitadzo zvako, ndokusaka ndakaitawo izvozvi kwauri.
16
“Naizvozvo vose vanokuparadza vachaparadzwawo, uye vavengi vako vose zvavo, mumwe nomumwe wavo vachaenda kuutapwa. Vanokupamba iwe vachavawo nhapwa. Vose vanokuita nyama yamagora ini ndichavaitawo nyama yamagora
17
nokuti ndichakudzosera utano hwako maronda ako ndichiaporesa ndizvo zviri kutaura Tenzi pamusana pokuti vakakutumidza kuti ‘Musemwa.’ Vachitokuti, ‘Zionimurambwanavose.’ ”
18
Zvanzi naTenzi, “Chionai, ndichadzosera makomborero omumatende evokwaJakobho ndichiitira ngoni mavo mavagere. Guta richavakwa pachimudhuri charo muzindawo uchamira pawaiva.
19
“Mazviri muchabuda nziyo dzokutenda nezhowezhowe ravaiti vemafaro. Ndichaita kuti vawande havasi kuzombova vashoma. Ndichaita kuti varemekedzwe vachange vasiri vanhuwo zvavo.
20
Vana vavo vachaita zvavakanga vari kare, gungano ravo richadzikazve midzi paneni iniwo ndicharanga vose vanovaonesa nhamo.
21
“Jinda ravo richange riri mumwe wavo ivo, mutongi wavo achimuka mukati mavo imomo. Ndichamuswededza pedyo iye agobvawo asvika pandiri nokuti ndiani chaizvo angabva atofemera hake kusvika pandiri? Ndozviri kutaura Tenzi.
22
Muchavawo vanhu vangu ini ndichivawo Mwari wenyu.”
23
Hero dutu remhepo raTenzi rovhuvhuta rakashatirwa chaizvo riri chamupupuri chaicho chine simba chichaputikira musoro wavanhu vakaipa.
24
Hasha dzinotyisa dzaTenzi hadzimboserera kusvikira atopedza kuita zvaakaronga mumwoyo make. Mumazuva anotevera acho munozonyatsozvinzwisisisa kwazvo.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52