bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 36
Jeremiah 36
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 37 →
1
Mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti,
2
“Tora bhuku rokumononora unyore mariri mashoko ose andakakutaurira akanangana nenyika yokwaIsiraeri neyokwaJudha namarudzi ose kubvira musi wandakataura kwauri, kubvira mumazuva aJosiya kusvikira nhasi uno.
3
Zvimwe vemba yokwaJudha vanganzwe zvakaipa zvose zvandiri kufunga kuvapinza mazviri zvikaita kuti munhu wose asiyane nenzira yake yakaipa kuti ndivaregerere uipi hwavo nechitadzo chavo.”
4
Ipapo Jeremiya akadaidza Bharuku mwanakomana waNeriya. Bharuku akazonyora mubhuku rokumononora, mazwi achibva mumuromo maJeremiya, mazwi ose aakanga ataurirwa naTenzi.
5
Jeremiya akarongera Bharuku kuti, “Ini handichabvumirwi kutsika kumba yaTenzi.
6
Saka iwe unofanira kuendako uri musi wokutsanya. Vanhu vose vachizvinzwira kudaro, mumba yaTenzi imomo, unofanira kuverenga mazwi aTenzi mubhuku rokumononora iri rawanyora zvandakutaurira. Unofanira kuaverengerawo vanhu vose vokwaJudha vanenge vabva kumaguta kwavo vazvinzwire.
7
Minyengetero yavo pamwe ingasvike pana Tenzi uyewo kuti munhu wose angabva asiyana nenzira yake yakaipa nokuti Tenzi akataura akatsamwa akashatirwa zvakaipisisa kwazvo nezvavanhu ivava ava.”
8
Saizvozvowo Bharuku mwanakomana waNeriya akaita zvose zvaakanzi nomuporofita Jeremiya aite zvokundoverengera mazwi aTenzi omubhuku iroro mumba yaTenzi.
9
Mugore rechishanu rokutonga kwaJoyakimu, mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, mumwedzi wechipfumamwe, vanhu vose vomuJerusaremu pamwechete navanhu vakanga vabva kumaguta okwaJudha vakauya kuJerusaremu vakazvitemera zuva rokutsanya pana Tenzi.
10
Ipapo, vanhu vose vachizvinzwira, Bharuku akabva averenga mazwi aJeremiya aya mubhuku riya mumba yaTenzi mune imwe imba yaGemariya mwanakomana waShafani munyori wapadare yakanga iri nechokumusoro kwenhandare kwaipindwa nako kuSuo Guru Idzva remba yaTenzi.
11
Mikaya mwanakomana waGemariya mwanakomana wokwaShafani paakanzwa mashoko ose aTenzi achiverengwa mubhuku iroro,
12
akadzika kumuzinda wamambo akasvikopinda mumba yomunyori. Izvozvo machinda ose akanga ageremo. Paiti munyori Erishama, pouya Dheraya mwanakomana wokwaShemaya tevere Erinatani mwanakomana wokwaAkibhori, uyewo Gemariya mwanakomana wokwaShafani, kozoti Zedhekiya mwanakomana waHananiya namachinda ose.
13
Mikaya akavarondedzera mazwi ose aakanga anzwa paiverenga Bharuku bhuku riya vanhu vachizvinzwira.
14
Machinda ose ndopaakatuma Jehudhi mwanakomana waNetaniya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waKushi neshoko kuna Bharuku rokuti zvanzi, “Tora mumaoko mako bhuku rokumononora rawaverengera vanhu vachinzwa uuye.” Saizvozvo Bharuku mwanakomana waNeriya akatora mumaoko bhuku racho rokumononora ndokuenda kwavari.
15
Ivo vakamuti, “Gara pasi uri verenge.” Bharuku akavaverengera bhuku iroro.
16
Vakatarisana vava kutya vakabva vati kuna Bharuku, “Tinofanira kundonyatsopira mashoko aya kuna mambo nezvinhu zvose zvarehwa izvozvi.”
17
Vakabvunza Bharuku voti, “Tiudze. Zvakambouya sei chaizvo kuti iwe uzonyora mazwi ose iwaya?
18
Zvaibva mumuromo make here izvi?” Bharuku ndokupindura achiti, “Akaita zvokunditaurira mazwi ose iwaya ini ndichinyora neingi mubhuku rokumononora irori.”
19
Machinda iwayo akabva aruma nzeve Bharuku oti, “Chiendai mundohwanda, iwe naJeremiya parege kuva kana nomumwe anoziva kwamuri.”
20
Saizvozvowo vakaenda mudare kuna mambo vasiya vaisa bhuku rokumononora riya mumba yomunyori Erishama, vakapira kuna mambo mashoko ose iwayo.
21
Mambo akabva atuma Jehudhi kundotora bhuku iroro rokumononora akandoritora mumba yomunyori Erishama muya, Jehudhi akariverengera mambo namachinda ose anokuta mambo.
22
Iwoyo wakanga uri mwedzi wechipfumbamwe, mambo agere hake mumba yake yenguva yechando. Izvozvo paiva nomoto wairirima muchoto iye achigota moto hake.
23
Jehudhi aingoti akati verengei zvikamu zvaro zvitatu kana zvina, mambo aibva agwishura zvikamu izvozvo nekapanga obva azviti chi-i mumoto mumbaura kudzamarara bhuku rokumononora rose rapera kutsva nomoto waiva mumbaura.
24
Zvakadaro zvazvo pakati pamambo namakurukota ake akanga anzwa mashoko iwaya ose hapana kana nomumwe wavo akatya kana kubvarura hanzu dzavo neshungu.
25
Kunyangewo Erinatani naDheraya naGemariya pavaiteterera kuna mambo kuti arege kupisa bhuku rokumononora iroro, mambo haana kumbovateerera.
26
Asi mambo akatoudza Jerahimieri, mwanakomana wamambo naSeraya mwanakomana wokwaAzirieri uyewo Sheremiya mwanakomana waAbhudhieri kuti vabate Bharuku munyori nomuporofita Jeremiya, asi Tenzi akavahwandisa.
27
Zvino mushure mokunge mambo apisa bhuku rokumononora riya ramazwi akanyorwa naBharuku achibva mumuromo maJeremiya, shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati,
28
“Tora rimwe bhuku rokumononora unyore mariri mazwi ose aya aiva mubhuku rokumononora rokutanga riya rakapiswa naJehoyakimu mambo wokwaJudha.
29
Zvaunofanira kunyora zvichinangana naJehoyakimu mambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti, ‘Zvanzi naTenzi, handiti wapisaka iwe bhuku rokumononora iri’ uchiti, ‘Wakanyorerei mariri kuti mambo weBhabhironi achauya chete kuzoparadza nyika ino achitsakatisa mairi vanhu nemhuka?’
30
Naizvozvo Tenzi ari kutaura nezvaJehoyakimu mambo wokwaJudha kuti haazofa akawana wokwake anozogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi uye chitunha chake chichakandwa panze chitsve nezuva masikati usiku chichitonhorwa nechando.
31
Ndichamuranga iye nezvizvarwa zvake navaranda vake ndichivarangira uipi hwavo. Ndichaunzira vanhu ava navagari vomuJerusaremu navanhu vokwaJudha zvakaipa zvose zviya zvandakati zvivawire asi ivo havana kuteerera.”
32
Jeremiya akatorawo rimwe bhuku rokumononora akaripa kunyanzvi yomutemo, Bharuku mwanakomana waNeriya akabva anyora mariri mazwi ose aibva mumuromo maJeremiya, mashoko ose omubhuku riya rakanga rapiswa mumoto naJehoyakimu mambo wokwaJudha achiisawo mamwe mazwi akawanda akaita saiwawo.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52