bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 18
Jeremiah 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 19 →
1
Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati,
2
“Chisumuka udzike kumba yomuumbi wehari, ikoko ndichaita kuti unzwe shoko rangu.”
3
Saizvozvowo ndakadzika kumba kwomuumbi wehari onei achiumbira zvinhu pane chokuumbira chinotenderera.
4
Zvino mudziyo waakanga achiumba nevhu iroro wakakanganisika uri mumaoko make kudaro akabva aumbazve mumwe mudziyo naro sokuda kwake.
5
Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri richiti,
6
“Nhai imi vemba yeIsiraeri ndinotadza here kuita nemi zvaitwa nomuumbi uyu? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chinzwai, sezvakangoita munyakwe uri mumaoko omuumbi ndozvamakangoita imi mumaoko mangu, imi vemba yaIsiraeri.
7
Nguva yose yandinenge ndataura chinhu ndakananga rudzi rwavanhu, kana nyika kuti ndichaidzipura kana kuipaza kana kuiparadza
8
uye kana rudzi rwavanhu ivavo rune zvandinenge ndataura zvacho rukapinduka pakuipa kwarwo neniwo ndinobva ndaregawo kuita zvakaipa zvandinenge ndambofunga kuti ndiite kwarwuri.
9
Uyewo nguva yose zvayo yandinenge ndatemera rumwe rudzi rwavanhu kana imwe nyika kuti ndichaivaka ndigoisima,
10
kana rudzi rwacho irworwo rukaita zvakaipa ruchirega kuteerera izwi rangu, ini ndinobva ndasandukawo ndorega kuruitira zvakanaka zvandakanga ndaronga kuruitira.
11
Saka zvino wochitaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, ndiri kukurongerai nhamo, ndiri kukurukirai mazano okukutsvatai. Pindukai, munhu wose akande pasi nzira dzake dzakaipa mugadziridze mafambiro enyu namaitiro enyu.’
12
“Asi ivo vanoti, ‘Hazvina maturo izvi. Tinotevera zvirongwa zvedu mumwe nomumwe achitevera zvake zvomusoro wake zvakaipa.’ ”
13
Naizvozvo, zvanzi naTenzi: “Imbobvunzaiwo pakati pevechirudzi kuti ndiani akambonzwawo zvakadai sezvizvi? Mhandara iyi, Isiraeri yakaita zvinhu zvakaipisisa kwazvo.
14
“Chando cheRebhanoni chinombopera here pazvikangararwe zveGomo reSirioni? Mvura yomugomo inombopwa here kuerera, tukova tune mvura inotonhorera?
15
“Asi vanhu vangu vandikanganwa. Vanopisira rusenzi kuna vamwari vasirivo vanogumburwa munzira dzawo, nzira dzakare vakapinda mutwunzirawo zvatwo kwete mumigwagwa mikuru
16
vachiita kuti nyika yavo ive chiseko chaicho chinhu chinoridzirwa zvacho tsamwa narini wose. “Munhu wose anopfuura nemairi anokatyamadzwa nazvo achidzungudza musoro wake.
17
“Sezvinoita mhepo yokumabvazuva, ndichavamwayanisa kuvavengi. Ndichavapa gotsi ndisingambovatarisa pazuva ravo renhamo.”
18
Vanhu ndopavakati, “Uyai tironge mazano okutsvata nawo Jeremiya nokuti kuvapristi mutemo hauzofa wakarova kunyange zano kuna vangwaru harimboperi, kana irowo shoko rinobva kumuporofita. Uyai timutape mukanwa, tirege kumboteerera zvedu zvaanotaura.
19
“Imi Tenzi, Teererai munzwe chichemo changu.
20
Ko zvakaipa zvingave ndizvo here zvokutsiva nazvo zvakanaka? Asi vakandicherera hunza kuti vandiurayire imomo. Rangarirai kumira kwendakaita pamberi penyu ndichivareverera kuti mudzore hasha dzenyu kwavari.
21
Naizvozvo pinzai vana vavo mushangwa yenzara vaparadzwe namapakatwa, vadzimai vavo vasare vasisina vana, dzangove chirikadzi varume ngavafe nedenda, majaya avo aurayiwe nebakatwa muhondo.
22
Mudzimba dzavo ngamuve nokuchema, pamunoerekana mavaunzira muurayi, nokuti vakandicherera hunza kuti ndiwiremo, vakateyera tsoka dzangu misungo.
23
Asi imi Tenzi munoziva bangano ravo rokuda kundiuraya. Musavaregerere uipi hwavo kana kubvisa chitadzo chavo pameso penyu. Vadzadzarisei pamberi penyu makashatirwa.”
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52