bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 16
Jeremiah 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 17 →
1
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Haufanire kuroora mukadzi
2
kana kuva zvako navanakomana kana vanasikana munzvimbo ino
3
nokuti zvanzi naTenzi nezvavanasikana ivavo vanoberekerwa munzvimbo ino uye nezvamadzimai vakavabereka uye nezvemadzibaba akavabereka munyika muno zvinoti:
4
vachafa nezvirwere zvakaipisisa. Havazochemwi kana kuvigwa, vachati pasi pwata pwata sendove pavhu, vapera nebakatwa neshangwa yenzara. Zvitunha zvavo zvichava ndizvo chokudya cheshiri dzedenga nemhuka dzesango.
5
“Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, usapinde kana kuenda kuimba iine rufu kundoungudza kana kuvachema nokuti rugare rwangu ndarubvisa mukati mavanhu ava uye ndabvisa mavari mwoyochena wangu nomutsa wangu.
6
Vose zvavo vakuru navaduku vachafa munyika muno, havachazovigwa, hapana achavachema kana kuzvicheka-chekera vafi vacho kunyange kuzviveurira ivavo muparavara.
7
Hakuna achazodya nomumwe achimunyaradza kana afirwa, kana kuwanawo chaanonwa nomumwe anenge afirwa nababa kana naamai vake achimunyaradza.
8
“Iwe usapinde mumba yemabiko kundogara uchidya nokunwa navo
9
nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: chiona, ndichagumisa munzvimbo ino imi muchizviona nameso enyu, mumazuva enyu, chikwe-e chokuseka ichi kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho.
10
“Pauchataurira vanhu ivava zvinhu zvose izvozvi, ivo vachakuti, ‘Ko Tenzi atemereiko kuti tiwirwe nepfumvu huru yakadai? Takapareiko? Chitadzo chatakapara kuna Tenzi Mwari wedu ndechei?’
11
Iwe unofanira kuvataurira kuti, ‘Chikonzero ndechichi chokuti madzibaba enyu akandifuratira, ndizvo zviri kutaura Tenzi uye vakatevera vamwe vamwari vakavashandira nokuvanamata. Uye vakandifuratira vakarega kuchengeta mutemo wangu
12
uye nokuti imi makaita zvakaipa zvinodarika zvakaitwa namadzibaba enyu nokuti mumwe nomumwe wenyu ava kungotevedza zvake musikanzwa womusoro wake muchiramba kunditeerera.
13
Naizvozvo iniwo ndichakukandai kunze kwenyika ino ndichikurasirai kunyika yamusingamboziva imimi kana madzibaba enyu. Ikoko muchashandira vamwe vamwari siku nesikati nokuti handisi kuzokunzwirai tsitsi.’
14
“Naizvozvo chinzwai munzwe, zvanzi naTenzi, mazuva ari kuuya achapera zvokuti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu, akaburitsa vanhu veIsiraeri munyika yeIjipiti’
15
asi kutoti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa vanhu veIsiraeri kunyika yokuchamhembe, kubva kunyika dzose kwaakanga avadzingira nokuti ndichavadzorera kunyika yavo yandakapa kumadzitateguru avo.’
16
“Chinzwai, zvanzi naTenzi ndichatuma varauri vazhinji vavabate. Mushure macho ndichatuma vavhimi vazhinji vakuvhimei mumakomo mose nomuzvikomo zvose nomumapako
17
nokuti kuita kwavo kwose ndinokuona mumaziso mangu, hapana chakavanzika kwandiri. Kunyange kuipa kwavo hauna kuvandika mumaziso mangu.
18
Zvino ndava kutanga kuvarangira kakapetwa uipi hwavo nechitadzo chavo nokuti vakan'oresa nyika yangu nezvitunha zvezvifananidzo zvavo zvokunamata zvinosemesa vachizadza nhaka yangu nezvinhu zvavo zvandisingadi.”
19
Imi Tenzi imi simba rangu nenhare yangu yokuhwanda hondo diziro rangu pazuva renhamo, kwamuri ndokuchauya marudzi avanhu achibva kwakaperera nyika achiti, “Madzibaba edu akawana nhaka yezvinhu pasina, zvinhu zvamanyepo zvinhu zvisina maturo, zvisina chimuko.
20
Ko munhu angazvigadzirire vamwari here? Zvinhu zvakadaro hazvisi vamwari.
21
“Naizvozvo, chinzwa, ndichaita kuti vazive, rwendo runo ndichaita kuti vazive simba rangu noukuru hwangu ndipo pavachazoziva kuti ini ndini ndinonzi Mwari.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52