bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 14
Jeremiah 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 15 →
1
Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya richitaura nezvemvura yakanga yaramba kunaya richiti,
2
“Nyika yeJudha iri mukuchema nhamo magutawo ayo ari kugurukuta, vanhu vayo vachiungudza vakati pasi rakata uye mhere yeJerusaremu yanzwika.
3
“Vanhu vokumba huru vanotuma varanda vavo kumvura. Varanda vanosvika kumatsime, asi havasi kuwana mvura. Vanodzokera nezvirongo zvavo mvura vasina vaora mwoyo vasisazive chokuita vakabata rushaya.
4
“Pamusana pokuti pasi pachiti papata nokushayika kwaita mvura yokunaya panyika, varimi vacho vadumbirwa nazvo vobata rushaya.
5
“Kunyange nhunzvi yemhembwe musango yototiza katsvana kayo kasvava pamusana pokushaya uswa.
6
Madhongi omusango amira pamitunhu yakatunhumara pasina miti achifemereka samakava kuri kutsvaka mhepo yokufema, maziso awo achionera madzerere nokuti hakusisina bundo.
7
“Kunyange zvazvo zvakaipa zvedu zvichitipa mhosva, wanaiwo chamungaite, imi Tenzi nokuda kwezita renyu nokuti umhandupandu hwedu hwanyanya takakutadzirai isu.
8
Nhaimi chitarisiro cheIsiraeri, imi Mununuri wayo panguva yokutambura, madireiko kubva maita somutorwa chaiye munyika muno, kubva matoita here somupfuuri nenzira anoti tsaukirei pakadaro apo omborarapo hake usiku ihwohwo?
9
“Madirei kuita somunhu atenderera musoro, segamba chairo rehondo risingagoni kununura? Nyange zvakadaro zvazvo imi Tenzi muri pakati pedu uye tinodaidzwa nezita renyu, regai henyu kutisiya.
10
“Tenzi ari kutaura shoko rinonangana navanhu ivava rokuti, ‘Kudzunga saizvozvi ndokwavanoda havana kumbozvidzorawo mufambiro. Ndokusaka Tenzi asingavagamuchiri, zvazvino izvi acharangarira uipi hwavo agovarangira zvitadzo zvavo.’ ”
11
Tenzi akanditi, “Rega kunamatira vanhu ava kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka
12
nokuti kunyange zvavo vakatsanya handiteereri chichemo chavo. Kunyange vakapira zvavo mupiro wokupisa kana mupiro woupfu hwembesanwa handiigamuchiri. Changu chandichaita kuvapedza nehondo yebakatwa neshangwa yenzara nedenda.”
13
Ini ndokuti, “Nhai Tenzi Mwari, inga wani vaporofita vari kuvaudza kuti hondo, yebakatwa hamusi kuzomboiona kana kuti kuzova neshangwa yenzara, asi kutoti ndichaita kuti muve norugare chairwo munzvimbo ino.”
14
Tenzi ndokuti kwandiri, “Vaporofita vari kuporofita zvenhema muzita rangu. Handina kuvatuma ini kana kumbovaudza kana kutaura kwavari. Vari kukuitirai chiporofita chokuona zvenhema kushopera zvako kusina namaturo ese, unyengedzi zvahwo hwomusoro wavo.
15
Nezvo zvanzi naTenzi nezvavaporofita ivavo vanoporofita muzita rangu ini ndisina kuvatuma vachitoti, ‘Hondo yebakatwa neshangwa yenzara hazvisi kuzouya munyika muno,’ vaporofita ivava vachaparadzwa nehondo yebakatwa nemvemve yenzara.
16
Vanhuwo vavanoporofitira vacho vachanzi rakata mumigwagwa yeJerusaremu vova ndivo vokufa neshangwa yenzara nebakatwa rehondo pasina anovaviga, ivo navanakomana vavo navanasikana vavo nokuti ndichadurira pavanhu ivavo uipi hwavo.”
17
Vataurire izvi zvokuti: “Chiregai zvenyu meso achiramba achiyerera misodzi siku nesikati pasina zvokumbomira ivo vanhu vangu ava, vakuvadzwa ronda guru kwazvo, varohwa zvinosiririsa kwazvo.
18
“Ndikati ndiende musango'mu hezvo zvitunha zvakarakatiswa nebakatwa rehondo. Kana ndikapinda muguta heyo nhamo yeshangwa yenzara nokuti muporofita nomupristi vose vanobvonga nemunyika iyoyi mose vasina ruzivo.”
19
VokwaJudha matovaramba zvachose here? Mwoyo wenyu wava kusema here vanhu veguta reZioni? Madirei kutipa shamhu yakadai isingarapike? Taitarisira kuwana rugare asi hapana chakanaka chakauya, tichitarisira nguva yokuporeswa asi zvinotyisa ndozvotoona.
20
Tinoreurura uipi hwedu Tenzi, nezvitadzo zvamadzibaba edu nokuti takakutadzirai.
21
Pamusana pezita renyu, chiregai henyu kutiramwa, dai mukaregawo kufumura mbiri yechigaro chenyu choumambo. Dai waro mukarangarira henyu murege kutyora chitenderano chenyu nesu.
22
Kuna vanaani chaizvo pakati pavana mwari vasina maturo vokumarudzi avanhu angagone kunayisa mvura? Kana iwo matenga zvawo angagone nhai kunayisa mvura? Handiti ndimi iyemi Tenzi, Mwari wedu? Chitarisiro chedu tinochiisa mamuri nokuti ndimi munoita zvose izvozvi.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52