bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 25
Jeremiah 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 26 →
1
Shoko iri rakauya kuna Jeremiya rakananga kuvanhu vokwaJudha vose zvavo, muri mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha. (Iroro ndiro gore raiva rechiposhi rokutonga kwaNebhukadhireza mambo weBhabhironi.)
2
Muporofita Jeremiya akataura kuvanhu vose vokwaJudha nokuvagari vose veJerusaremu shoko irori rokuti,
3
“Kwamakore makumi maviri namatatu, kubvira pagore regumi nechitatu rokutonga kwaJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha kusvikira pari nhasi, shoko raTenzi ranga richingouya kwandiri ini ndichirambawo ndichikutaurirai, asi imi hamuna kuteerera.
4
Makaramba kuteerera kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe, kunyange Tenzi akaramba achingokutumirai varanda vake vaporofita
5
achiti, ‘Chitodzokai izvozvi munhu wose asiyane nenzira yake yakaipa netwakaipa twaanobata mugogara munyika iyi yamakapiwa imi namadzibaba enyu kubvira kare kare nokusingaperi.
6
Regai kutevera vamwe vamwari kundovashandira kana kuvanamata kana kundishatirisa nebasa ramunoita namaoko enyu. Kana madaro iniwo handizokukuvadzai.’
7
Asi hamuna imi kunditeerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi, kuti imimi mungadaro mukandishatirisa nebasa ramunoita namaoko enyu zvikazokukuvadzai.
8
“Ndokusaka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, zvamakarega kuteerera mashoko angu, chinzwai,
9
‘Iniwo ndava kukoka vemadzinza ose okuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichikoka Nebhukadhireza mambo weBhabhironi, muranda wangu ndigovaunza kuzorwisa nyika iyoyi navagari vayo kuzorwisawo marudzi ose akaitenderera. Ndichavaparadza zvachose ndichivaita kuti vave chinhu chinokatyamadza, nechinhu chinoridzirwa tsamwa nechinhu chokutukisa nacho.
10
Uyewo ndichagumisa mukati mavo chikwe-e chokuseka kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho kana kurira kwemakuyo nemwenje werambi.’
11
“Nyika ino yose ichava dongo zvaro risina kana chinhu; marudzi ose iwaya achashandira mambo weBhabhironi kwamakumi manomwe amakore.
12
Mushure mokunge kwapera makore makumi manomwe ndichazoranga mambo weBhabhironi nevechirudzi ivavo nenyika yevaKaridhea pamusana pouipi hwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nyika yacho ndichiiparadza zvachose.
13
Ndichaita kuti nyika iyoyo iwirwe nezvose zvakabva pamuromo pangu zvichinangana nayo, zvose zvakanyorwa mubhuku rino zvakaporofitwa naJeremiya zvichinangana namarudzi evanhu ose zvawo.
14
“Zvichavapo ndezvokuti ndudzi zhinji namadzimambo makuru chaiwo achatovaita varanda kunyange ivo. Ini ndichavapa zvinofambirana nezviito zvavo uye namabasa avanoita namaoko avo.”
15
Nechikonzero ichochi Tenzi Mwari weIsiraeri akanditi, “Tambira mukombe uyu uri muruoko rwangu wewaini yehasha dzangu, ugoita kuti marudzi ose kwandinenge ndakutuma aunwe.
16
Vachaunwa vagodhadharika vagopengeswa nebakatwa randichatumira pakati pavo.”
17
Saizvozvowo ini ndakatora mukombe waiva muruoko rwaTenzi ndikaita kuti marudzi ose kwandakatumwa naTenzi aunwe,
18
kuJerusaremu namaguta okwaJudha, uye namadzimambo ayo namachinda acho kuti ave matongo asina kana chinhu, ave chinhu chinoridzirwa tsamwa charengererwa rushambwa sezvazviri pari nhasi
19
kwouya Farao mambo weIjipiti namakurukota ake namachinda ake navanhu vake vose
20
pamwechete namabvakure ose ari pakati pavo, madzimambo ose enyika yeUzi uye namadzimambo enyika yavaFirisitia ose zvawo (Ashikeroni neGaza neEkironi nechitsama chakasara chevokuAshidhodhi)
21
kwouyawo Edhomu neMoabhu navanakomana vokwaAmoni
22
namadzimambo ose eTire uye madzimambo ose eSidhoni namadzimambo okumahombekombe kumhiri kwegungwa,
23
kwoti Dhedhani neTema neBhuzi navose vanoveura makona evhudzi ravo
24
namadzimambo ose eArabhia namadzimambo ose avanhu vakasangana-sangana vagere kurenje
25
uye madzimambo ose okwaZimuri namadzimambo ose okuEramu namadzimambo ose okuMidhia
26
kozoti madzimambo ose okuchamhembe okure neepedyo mumwe nemumwe uyewo umambo hwose zvahwo hwapanyika pasi pose zvapo. Mushure mavo mambo Sheshaki achazonwawo.
27
Wozobva wovataurira kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, “Inwai muraradze mugorutsa muputsike musingazomukazve pamusana pebakatwa randava kutuma pakati penyu.
28
“Kana vakaramba kugamuchira mukombe iwoyo muruoko rwako kuti vaunwe, vaudze kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Munofanira kutonwa chete!
29
Nokuti chionai, ndava kutotangisa kumutsira nhamo guta rinodaidzwa nezita rangu. Zvino imi ndipo pamungarege kurangwa here? Zvokurangwa hamumborega kurangwa nokuti ndiri kudaidzira bakatwa pavagari vose zvavo vepasi pano ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.’
30
“Naizvozvo iwe unofanira kuvaporofitira uchivaudza mashoko aya ose uchivati: “Tenzi achadzvova mudenga umu, inzwi rake richibuda muNzvimbo yake Inoera. Achadzvovera vedanga rake zvinotyisa achidaidzira sezvinoitwa navanokanya magirepisi achinangana navagari vapanyika.
31
Ruzha rwacho ruchariridza kusvikira kwakaperera nyika Nokuti Tenzi ane mhosva yaari kupa marudzi, ari kuzogadza dare vanhu vose, vakaipa achivauraya nebakatwa. Ndozviri kutaura Tenzi.”
32
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo chionai, nhamo ichauira; ndudzi nendudzi dzavanhu, dutu guru remhepo riri kutangisa kuuya richibva kumiganhu yapasi.
33
Pazuva iroro vanenge vaurayiwa naTenzi vachati rakata kubvira kwainovambira nyika kusvikira kwainopererawo. Havachazochemwa kana kuunganidzwa kana kuvigwa. Vachava ndove zvayo pamusoro pevhu.
34
Ungudzai imi vafudzi mucheme muumburuke mudota, imi madzichangamire amatanga nokuti mazuva okuurayiwa nokupararira kwenyu asvika, uye imi muchati mwarara somudziyo wakanakisa.
35
Pachasara pasina nzvimbo yokupotera yavafudzi kana yokupukunyukira yamadzichangamire amatanga.
36
Inzwa unzwe, kuchema kuri kuita vafudzi nokuungudza kuri kuita madzichangamire amatanga, nokuti Tenzi oparadza mafuro avo,
37
nezvo matanga akanyatsozvigarira zvawo anobva aparadzwa nokuda kwehasha dzinotyisa dzaTenzi.
38
Asimuka seshumba yabva painohwanda nokuti nyika yavo haisisina chinhu pamusana pebakatwa romudzvinyiriri napamusanawo pehasha dzaTenzi dzinotyisa.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52