bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 44
Jeremiah 44
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 45 →
1
Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richinangana navaJudha vose vakanga vagere munyika yeIjipiti kuMigidhori nokuTahipanhesi nekuMemufisi nokunyika yePatrosi
2
richiti, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, handiti makazvionera here, nhamo yandakapinza Jerusaremu namaguta ose okwaJudha, chionai kuti, pari nhasi angova matongo zvawo asina ageremo
3
zvakonzerwa nouipi hwavakaita. Vaindishatirisa nokuita kwavo vachienda kundopisira rusenzi nokutoshandirawo vamwe vamwari vavasingazivi ivo kana imi kana madzibaba enyu.
4
Asi ini ndaingoramba ndichitumira varanda vangu vose, vaporofita ndichiyambira kuti musaite zvinhu zvinosemesa zvandinovenga.
5
Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo kuti vatendeuke kuuipi hwavo varege kupisira vamwe vamwari rusenzi.
6
Ndokusaka ndakatsamwa ndikaviruka nehasha ndikapedzera shungu pamaguta okwaJudha nemigwagwa yeJerusaremu akabva aita marara zvawo nechinhu pasina sezvaari pari nhasi.
7
“Saka zvino zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Munodirei kuzviparira nhamo yakakura ikadai, kuzvitsakatisa murume nomukadzi nomucheche nomwana pakati pevokwaJudha zvokusara pasisina anosara?’
8
Munodirei kundishatirisa netwamunobata namaoko enyu imi, kutopisira zvenyu vamwe vamwari rusenzi munyika yeIjipiti mamakauya kuzogara kuti ndikutsakatisei muchizova vanhu vorushambwa nechiseko mukati memarudzi ose pasi pano?
9
“Makakanganwa here uipi hwamadzibaba enyu nouipi hwamadzimambo okwaJudha nouipi hwavakadzi vavo, nouipi hwenyu pachenyu nouipi hwamadzimai enyu hwavakaita munyika yokwaJudha nomumigwagwa yomuJerusaremu?
10
Havana kana nokutombozvininipisa kwose kusvikira pari nhasi. Havana kunditya kana kuchengeta mutemo wangu nezvirevo zvangu zvandakaisa kwamuri nokumadzitateguru enyu.
11
Saka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri: Chionai ndichakufuratirai ndigokuisai munyatwa ndichitsakatisa vokwaJudha.
12
Ndichaita kuti chitsama chavanhu vokwaJudha chakasara chakada kuuya kuzogara kunyika yeIjipiti chitsakatiswe chose. Vachafira munyika yeIjipiti nebakatwa nenzara. Kubvira kuvacheche kusvikira kuvakuru vakuru vachafa nebakatwa nenzara vachibva vava ndove nechinhu chinokatyamadza nechine rushambwa nechiseko.
13
Ndicharanga vanhu vanogara munyika yeIjipiti sezvandakaita Jerusaremu yandakaranga nebakatwa yeshangwa yenzara nedenda,
14
kuitira kuti pachitsama chovokwaJudha vakasara vaya vakauya kuzogara kuIjipiti pashayikwe kunyange mumwe zvake anopunyuka kana kurarama kana kuzodzokerazve kunyika kwavaJudha kwavanodisa kudzokera vachinogarako, nokuti havasiri kuzodzokerako kunze kwavapoteri vashoma chete.”
15
Ipapo varume vose vaiziva kuti madzimai avo vakanga vapisira rusenzi kuna vamwe vamwari namadzimai ose akanga amire, negungano guru navanhu vose vaigara kuPatirosi munyika yeIjipiti vakapindura Jeremiya vachiti:
16
“Maererano neshoko raTenzi rawatitaurira, hatisiri kuzombokuteerera.
17
Asi tichaita zvose zvatakatsidza kuita zvokupisira rusenzi kune hosi yedenga tichiipira mupiro wokuteura sezvatakaita isu namadzitateguru edu namadzimambo edu, uye namachinda edu mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu, nokuti panguva iyoyo taiva nezvokudya zvakawanda tichibudirira tisingawani njodzi.
18
Asi kubvira panguva yatakaregera kupisira rusenzi kune hosi yedenga nokuipira mupiro wokuteura takava vanhu vasina chinhu tikabva taparadzwa nebakatwa nenzara.”
19
Vakadzi ndokutiwo, “Patakapisira rusenzi kune hosi yedenga tichiipira mupiro wokuteura varume vedu vakanga vasina kutibvumira here kubika makeke ane mufananidzo wayo tichimupira mupiro wokuteura.”
20
Zvino Jeremiya akataura kuvanhu vose varume navakadzi navanhu vose vakanga vamupa mhinduro iyoyi achiti,
21
“Kana zviri zvorusenzi rwamakapisa muri mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yomuJerusaremu, imi namadzitateguru enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navagari vomunyikamo, Tenzi haana kurangarira here? Hazvina kupinda mundangariro dzake here?
22
Tenzi haana kukwanisa kuramba achikuitirai mwoyo murefu mune zvakaipa zvenyu nezvinosemesa zvamunoita, ndokusaka nyika yenyu rava dongo, namarara norushambwa isina anogaramo sezvairi nhasi uno.
23
Chikonzero ndechokuti makapisa rusenzi uye makatadzira Tenzi pamakarega kuteerera izwi raTenzi nokuchengeta mutemo wake nezvakatemwa nezvakapupurwa, ndizvo zvakonzera kuti muwirwe nezvakaipa sezvazviri nhasi uno.”
24
Jeremiya akataura kuvanhu vose, varume navakadzi achiti, “Inzwai shoko raTenzi imi vokwaJudha mose muri munyika yeIjipiti,
25
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: ‘Imi namadzimai enyu makataura nomuromo yenyu, mukazvizadzisa nezviito zvamaoko enyu,’ muchiti, ‘Tichatozadzisa mhiko dzedu dzatakapika, dzokupisira rusenzi kuhosi yedenga tichimupira mupiro wokuteura.’ Naizvozvo itai zvamakapika muzadzise mhiko dzenyu.
26
Saka inzwai Shoko raTenzi imi mose vokwaJudha vagere munyika yeIjipiti. Chinzwai, zvanzi naTenzi, ndakapika nezita rangu guru, kuti zita rangu harichazodanwi nomuromo waani zvake wokwaJudha munyika yose yeIjipiti achiti, ‘Ndinopika naMwari Tenzi mupenyu.’
27
Inzwai, ndiri kuvaongorora kuti ndivape zvinovaipira, kwete zvanovanakira. Varume vose vokwaJudha vari munyika yeIjipiti vachaurayiwa nebakatwa neshangwa yenzara kusvikira vapera.
28
Vachapukunyuka pabakatwa vachabuda munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yokwaJudha, vava vashomanana. Vakasara vose vokwaJudha, vakauya kuIjipiti kuzogara; vachaziva kuti ane shoko rechokwadi ndiani, rangu here kana kuti ravo.
29
Zvanzi naTenzi, ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri chokuti ndichakurangirai munzvimbo ino kuti muzive chokwadi chokuti zvakaipa kwamuri zvandakakuyambirai zvichaitika.
30
Zvanzi naTenzi, chionai, ndava kuzoisa Farao Hofura mambo weIjipiti mumaoko mavavengi vake nomumaoko mevanotsvaka kumuuraya, sokuisa kwandakaita Zedhekiya mambo wokwaJudha mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, muvengi wake aitsvaka kumuuraya.”
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 45 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52