bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 52
Jeremiah 52
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 51
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
1
Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake vainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna.
2
Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvose zvakanga zvaitwawo naJehoyakimu.
3
Zvakazosvitsa chaipo pokuti Tenzi aite izvi zvakadai zvokubvisa Jerusaremu nenyika yevokwaJudha pameso pake, pamusana pokushatirwa kwaakanga aita. Zedhekiya akazopandukira mambo weBhabhironi.
4
Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wegumi, pazuva regumi romwedzi iwoyo, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwisa Jerusaremu vakarikomba vakatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza chinenge musana kuita chokupindamo nacho.
5
Nokudaro guta rakakombwa kusvikira mugore regumi nechiposhi rokutonga kwamambo Zedhekiya.
6
Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina wacho, nzara yakabaya zvinorwadza muguta imomo zvokuti vanhu vomunyika imomo vakanga vasisina chokudya.
7
Kwakapazwa rusvingo muguta imomo, hondo yose yavarwi ikasvova nousiku nokunzira yokusuo guru pakati petsvingo mbiri pedyo nebhindu ramambo, izvozvo vaKaridhea vakarikomba kudaro. Vakananga nokuArabha.
8
Asi hondo yavaKaridhea yakaronda mambo ikabatira Zedhekiya kumapani okuJeriko. Hondo yake yose yakamudzvamuka,
9
ivo vakabata mambo vakauya naye kuna mambo weBhabhironi kuRibhura mudunhu reHamati akamutemera chirango chemhosva yake.
10
Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa, akaurayawo machinda ose okwaJudha paRibhura ipapo.
11
Akasvukunura Zedhekiya maziso akamusunga nengetani. Mambo weBhabhironi akaenda naye kuBhabhironi, akamuisa mujeri kusvikira musi waakafa.
12
Mumwedzi wechishanu pazuva regumi romwedzi iwoyo, riri gore regumi nechipfumbamwe rokutonga kwamambo Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru mukuru wevachengetedzi vamambo iyeyo, aishandira mambo weBhabhironi akapinda muJerusaremu.
13
Akapisa imba yaTenzi nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusaremu nedzimba dzakanga dzakati kurei dzose akadzipisa nomoto.
14
Hondo yose yevaKaridhea yakanga ino mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, vakakoromora tsvingo dzose dzakanga dzakapoteredza Jerusaremu.
15
Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vamambo akatapa vamwe vanhu varombo navamwe vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose vaive mhizha vakanga vasara.
16
Nebhuzaradhani, mukuru mukuru wavachengetedzi vokwamambo akasiyawo vamwe varombowo zvavo vokupedzesera vomunyika iyi kuti vave vachengeti vemigirepisi navarimi veminda.
17
VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva mumba yaTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi.
18
Vakatakura mapoto namafoshoro nezvigero nembenge nendiro dzorusenzi nemidziyo yose yendarira yokushandisa muTemberi
19
uyewo ndiro diki namagwati okutapisa moto nembenge namapoto nezvigadzikiro zvomwenje namadhishi orusenzi nemidziyo yomupiro wokuteura. Zvakanga zviri zvendarama, mukuru mukuru wevachengetedzi vamambo akazvitakura sendarama zvesirivha sesirivhawo.
20
Kana zviri zvemisimboti miviri iya nezibhavhu ziguruguru rimwechete nehandira dzendarira gumi nembiri dzaraigadzikirwa dziya nezvigadzikiro zvacho, zvakanga zvagadzirwa namambo Soromoni achigadzirira imba yaTenzi, ndarira yacho yezvinhu zvose izvozvi hakuzi kurema ikoko kwayaiita.
21
Kana zviri zvemisimboti iya, kureba kwemusimboti mumwechete kwaiita mamita masere, ukobvu hwaro kuritenderera huchiita mamita mashanu ane chikamu chemita chinenge choda kusvitsa chikamu chapakati napakati chemita utare hwacho hwakaita mamirimita makumi manomwe namashanu kukobvuka. Rakanga riine zimhango.
22
Pamusoro paro paiva nechepamusoro chendarira. Kureba kwomusimboti mumwechete kukwira mudenga kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri. Paiva nakamumbure uye mapomegiraneti zvose zviri zvendarira zvaiva zviri pane chepamusoro chiya zvakachitenderedza. Uye musimboti wechipiri wakanga wakaita zvimwechetezvo uine mapomegiraneti.
23
Mapomegiraneti aiva kumativi ainge ari makumi mapfumbamwe namatanhatu. Ose pamwechete, mapomegiraneti akakanga akarukirirwa, akatenderera, aiva zana.
24
Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uya akatapa mupristi mukuru, Seraya nomutevedzeri wavo Zefaniya nevachengetedzi vatatu vokumusuo.
25
Muguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wevarwi kuhondo namachinda amambo manomwe vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyoyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika iyi vaiva mukati megutamo.
26
Nebhuzaradhani mukuru mukuru uya wevachengetedzi vamambo akaenda navo kuna mambo weBhabhironi kuRibhura.
27
Mambo weBhabhironi akavaponda vakafa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndiko kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachibviswa munyika mavo.
28
Uhu ndihwo uwandi hwavanhu vakatakurwa naNebhukadhireza mugore rechinomwe kuutapwa. Vaiva vari vaJudha zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu.
29
Mugore regumi nechisere rokutonga kwaNebhukadhireza, akatapa kubva muJerusaremu vanhu vaiita mazana masere ana makumi matatu navaviri.
30
Mugore ramakumi maviri nerechitatu rokutonga kwaNebhukadhireza, Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vamambo akatapa vaJudha vaiita mazana manomwe ana makumi mana navashanu. Vanhu vose pamwechete vaisvika zviuru zvina zvine mazana matanhatu.
31
Mugore remakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha, mumwedzi wegumi nechipiri, pazuva ramakumi maviri nechishanu romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi, mugore raakatangisa kutonga akasimudzira Jehoyakini mambo wokwaJudha pamusoro akamubudisa mujeri.
32
Akataura naye zvakanaka akamupa chigaro chepamusoro kupinda madzimambo aayiva nawo muBhabhironi.
33
Naizvozvo Jehoyakini akabvisa hanzu dzake dzousungwa. Mazuva ose oupenyu hwake akazenge ava kudya namambo pateburu nguva dzose.
34
Panyaya yezvaaifanira kutambiriswa aitambiriswa mugove wezvinobva kwamambo nguva dzose maererano nezvaikwanisa kumuraramisa zuva nezuva kudzamara pazuva rokufa kwake upenyu hwake hwose.
← Chapter 51
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52