bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 2
Jeremiah 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 3 →
1
Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti,
2
“Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi: “Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata wawaiva nawo pauduku hwako norudo rwawaiva narwo semwenga nokunditevera kwawaindiita murenje, munyika isina chinorimwamo.
3
“Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa, vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
4
Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaJakobho, imi mose vemadzinza emba yaIsiraeri.
5
Zvanzi naTenzi: “Ndechipiko chakaipa chakaonekwa namadzibaba enyu mandiri zvavakabva vatoenda kure neni kudai votevera zvinhu zvisina maturo vachibva vavawo vanhu vasina maturo?
6
“Havana kumbobvunzawo kuti, iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti, akatitungamirira murenje, munyika yamagwenga namakoronga, munyika yakaoma, nyika yezarima, munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako?
7
“Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo. Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa.
8
“Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Tenzi ari kupi?’ Vanoona nezvomutemo havana kundiziva. Vafudzi vavanhu vakandipandukira, vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari vachitevedza zvinhu zvisina chimuko.
9
“Zvanzi naTenzi, naizvozvo ndichakugadzai dare, ndichagadzawo vana vavana venyu
10
nokuti yambukirai kumahombekombe eSaipurasi muone, kana kutumira nhume kuKedhari dzindonyatsoongorora kwazvo muone kana kwakamboitika chinhu chakadai.
11
Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri.
12
“Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi akangaidzwe, apazaniswe musoro, ndizvo zviri kutaura Tenzi;
13
nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura.
14
“Nyika yeIsiraeri nyika yevaranda here? Vakaberekerwa muuranda here? Sei vava nyama yamagora.
15
Shumba dzakamudzovera dzichiita ruzha chairwo kudzvova. Nyika yeIsiraeri vaiita kuti ingova nyika isina zvayo chinhu, maguta ayo ava matongo asisina anogaramo.
16
“Uyewo vanhu vokuguta reMemufisi nereTapanesi vakatsemura Isiraeri musoro.
17
Hazvisi zvokuzviparira here izvi nokufuratira kwawakaita Tenzi, Mwari wako iye achingunokutungamirirai mugwara?
18
“Ko zvino chii chamunowana nokuenda kuIjipiti, kundonwa mvura yomuna Nairi nhai? Uye chii chamunowana nokuenda kuAsiria, kundonwa mvura yomuna Yufuratesi here?
19
Uipi hwako huchakupfukira; umhandupandu hwako ndohuchakugadzira. Chaunofanira kuziva nokuona ndechokuti chinhu chakaipa chinorwadza, kufuratira Tenzi, Mwari wako zvokunditya mauri hamuna ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari wehondo nehondo.”
20
“Ndinodaro nokuti kare kare wakatyora iwe Joko rako ukadambura zvitorobho zvako uchiti, ‘Handichakushandirai.’ Heeka, pachikomo chose chose zvacho napasi pomuti wose zvawo wakasvibira wakapfugamidzapo sepfambi.
21
“Asi ini ndakanga ndakusima somugirepisi wakanakisisa chaizvo, chaiwo une mhodzi dzakasvika. Zvauya sei kuti ubva wasanduka kudai, kubva wava somugirepisi womudondo zvawo?
22
“Kunyange zvako ukazvishambidza nesoda nesipo ine simba chaizvo uchiipupumisa kwazvo kutindivara kwemhosva yako ndinenge ndichingokuona chete ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
23
“Ko ungagoti sei, handina kun'ora ini, handina kutevera vanaBhaari? Tarisa uone gwara rako mumupata, uzive twawakaita. Uri tsiru renghamera rabindura risina kugadzikana rinodimuranisa nyika.
24
Uri dhongi zvaro romusango rajairira zvomurenje rinongofemhedza mhepo nokubindura kwaro! Ndiani angaridzore pahavi dzaro? Hapana mikono inenge ichiritsvaga inofanira kuzvinetsa zvayo, mumwedzi waro wokubindura inotoriwana chete.
25
Ngwarirai kuti muchasvuuka tsoka mugooma pahuro nenyota. Asi wakati iwe, ‘Hazvina basa nokuti ndinodanana navamwari vechirudzi saka changu ini kwangova kundenderedzana navo ikoko.’ ”
26
“Sokunyara kunoita mbavha kana yabatwa, ndokunyara kuchaita vemba yaIsiraeri, ivo, namadzimambo avo namachinda avo, navapristi vavo navaporofita vavo.
27
Vanhu vanototi kumuti ‘Ndimi baba vangu,’ vachiti kudombo, ‘Ndimi makandibereka, nokuti vakandipa gotsi'va vakandivanza uso.’ Asi kana pava panhamo zvino ndopovoti, ‘Simukai mutinunureiwo.’
28
“Ko vamwari vako vawakazvigadzirira varipi? Ngavasimukeka ivo kana vachikwanisa kukununura zvaunenge wapindwa nenhamo kudaro nokuti iwe Judha kuwanda kwakaita maguta ako, ndokuwanda kwakaitawo vaMwari vako.
29
“Chamunondipira mhosva chii ipapa? Makandipandukiraka imi mose zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi anoti:
30
Kubangorangawo zvangu vana vako neshamhu, havana kana kumbodzoreka zvavo. Mapakatwa ako iyewe ndiwo aparadza vaporofita vangu seshumba inorura.
31
Imi vechizvarwa chino ichi, chinzwai munzwe zviri kutaurwa naTenzi. Iyeni ndabva ndaita segwenga here kuvaIsiraeri? Kana kuti senyika yezarima zvayo? Ko vanhu vangu zvovotozuwa zvavo vachiti: ‘Tochiita pamadiro zvino, kwamuri hatichambokutsikazve?’
32
Mhandara ingakanganwe zvishongo zvayo here, kana kuti mwenga kukanganwa hanzu yake yomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa kwamazuva asingaverengeki.
33
Inga unoziva kwazvo kurondorodza zvikomba zvako! Kunyange vakadzi vakaipa wakatovadzidzisa maitiro ako.
34
Kunyange pambatya dzako pakatsvuka ropa ravarombo vasina mhosva. Hauna kuvawanikidza vachipaza. Kunyange zvose izvozvi zvakadai
35
iwe ndopaunoti, handina mhosva, zvokundishatirirwa haachambondishatirirwa. Chinzwa, ndichakupa chirango chokukurangira muromo wako iwoyo wokuti, ‘Handina kutadzira Mwari.’
36
Unongoti pano batu, pano batu zvisina netsarukano yese. Uchanyadziswa neIjipiti sokunyadziswa kwawakaitwa neAsiria.
37
Naikokozve uchadzoka wakabata gotsi nokuti Tenzi akaramba vaunovimba navo vacho. Chaunowanawo iwe uchibatsirwa navanhu ivavo hapana.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52