bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 7
Jeremiah 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 8 →
1
Iri ndiro izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti,
2
“Mira pasuo guru remba yaTenzi uzivise vanhu ipapo shoko iri, uti inzwai shoko raTenzi imi mose vokwaJudha munopinda napamisuo mikuru ino iyi muchindonamata Tenzi.
3
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, iye Mwari weIsiraeri, ‘Gadziridzai nzira dzenyu nezviito zvenyu, iniwo ndipo pandichakuitai kuti mugare munzvimbo ino.’
4
Regai kuvimba namazwi aya anonyengedza muchingoti, ‘Iyi iTemberi yaTenzi, Temberi yaTenzi, Temberi yaTenzi.’
5
“Chiripo ndechokuti kana mukanyatsogadziridza nzira dzenyu namaitiro enyu, muchinyatsoitirana zvinhu zvine ruenzaniso
6
mukaregawo kudzvanyirira muuyi kana nherera kana chirikadzi, kana zvokudeura ropa romunhu asina mhosva munzvimbo ino, uyewo kana mukakanda pasi zvokuteveredzana navamwe vamwari zvinokupinzai munhamo,
7
ndopandichakuregai makagara munzvimbo ino, munyika yandakapa kare kumadzibaba enyu narini narini wose.
8
“Chinzwai, izvozvi imi muri kungovimba namazwi anonyengedza zvisina chimuko.
9
Mungati here imi maba, mauraya munhu, maita upombwe, mapika zvenhema, mapisira rusenzi kuna Bhaari matevedza vamwe vamwari vamusingazivi
10
pedzepo mouya kuzomira pandiri muimba ino, imba inodaidzwa nezita rangu muchitoti zvenyu, ‘Takaponeswa isu,’ imi muchingoenderera mberi chete kuita zvinondisemesa zvose izvi?
11
Ko iyo imba iyoyi inodaidzwa nezita rangu, mukuona kwenyu yatova bako remakororo nhai? Chinzwai, ini iyeni ndakatozviona, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
12
Asi chimboendai kunzvimbo yangu yaiva kuShiro, kwandakamboisa zita rangu pokutanga muone zvandakaita kwairi pamusana pouipi hwavanhu vangu vaIsiraeri.
13
Zvanzi naTenzi zvino pamusana pezvose zvamakaita izvi, pandakaramba ndichingotaura kwamuri, imi makarega kuteerera. Pandakakushevedzai hamuna kudaira.
14
Naizvozvo ndichaita kuimba iyi inodaidzwa nezita rangu, yamunovimba nayo yacho uye kunzvimbo yandakapa kwamuri nokumadzibaba enyu, sezvandakaita kuShiro.
15
Ndichakudzingirai kure neni sokudzinga kwandakaita hama dzenyu dzose dzechizvarwa chokwaEfuremu.”
16
“Iwe rega kunamatira vanhu ivava kana kuvaisira chichemo kana munamato. Usavateterere kwandiri nokuti handimbokuteerera.
17
Hausi kuona here zvavari kuita mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu?
18
Vana ndivo vokutsvaga huni madzibaba acho achikuhwidza moto madzimai varivo vokukanya mukanyiwa wokubikisa zvingwa zvokupira kuna vahosi vamambo wedenga. Vanotoita mipiro yokuteura kune vamwe vamwari kuti vandishatirise.
19
Wavari kurwadzisa ipapa ndini here? Ndozviri kutaura Tenzi. Havasi kutozviparira zvavo here vachitozodzungaira?
20
Naizvovo zvanzi naTenzi Mwari tarisa uone ndava kuvirukira nzvimbo ino nehasha ndakashatirirwa vanhu nemhuka nemiti yesango nemichero yenyika. Uchava moto moto usingadzimurike.”
21
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, iye Mwari weIsiraeri, “Wanziridzai zvenyu iyo mipiro yenyu yokupisa kututsira zvibayiro zvenyu muchidya nyama dzacho.
22
Chiripo ndechokuti musi wandakavaburitsa munyika yeIjipiti, handina ini kutaurira madzitateguru enyu kana kuvapa somurao nezvemipiro yokupisa kana nezvezvibayiro.
23
Asi chandakavapa somutemo ndechichi chokuti, “Teererai zvandinoreva ini ndichava Mwari wenyu imi muchava vanhu vangu mufambe nenzira dzandakareva kuti zvikunakirei.
24
Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatotevedza zvomusoro wavo nemwoyo yavo yakapanduka yakaipa vakadzokera shure kunze kwokuti vatoenda mberi.
25
Kubvira zuva rakabuda madzitateguru enyu munyika yeIjipiti kusvikira pari nhasi, ndanga ndichingovatumira varanda vangu vose vaporofita mangwana mangwana.
26
Asi havana kumbonditeerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatoomesa musoro vakatoita zvakaipa kupinda madzibaba avo.
27
“Ipapo uchataura zvako mazwi ose iwaya kwavari asi havambokuteerera. Uchavashevedza zvako asi havambokudavira.
28
Asi unofanira kuvataurira kuti, rudzi urwu, rudzi rwavanhu vasingateereri zvinotaura Tenzi, Mwari warwo, rudzi rwavanhu vasingadzoreke. Mavari, chokwadi chakapera, pamuromo pavo hapachambobuda chokwadi.
29
“Vevurai vhudzi renyu murirase, tangai kuungudza pamitunhu yakatunhumara nokuti Tenzi aramba akafuratira chizvarwa ichi chevanhu ava chaachapedzera shungu dzehasha dzake.
30
“Chiripo ndechokuti, vokwaJudha vakaita zvakaipa mumaziso mangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vakaisa zvinosemesa mumba inodaidzwa nezita rangu kuin'oresa.
31
Vakavakawo nzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuBisiro nzvimbo iri mubani roMwanakomana wokwaHinomu pokupisira sechibayiro vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Izvozvo zvinhu zvandisina kumbotema ini uye hazvina kana kumbouya mupfungwa dzangu.
32
Naizvozvo, chinzwa, zvanzi naTenzi kuchasvika mazuva aisiri kuzombonzizve kuBisiro kana kunzi kuBani reMwanakomana wokwaHinomu. Asi kuchatonzi kuBani rokuDeurirwa ropa, nokuti vachatoviga vanhu kuBisiro ikoko pamusana pokuti kumwe kose kuchange kusisina nzvimbo.
33
Uye zvitunha zvavanhu ivava zvichave chokudya cheshiri dzedenga nezvikara zvenyika pasina anozvidzinga.
34
Ndichagumisa mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu chikwe-e chokuseka kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho pamusana pokuti nyika ichasara isisina chinhu.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52