bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 15
Jeremiah 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 16 →
1
Tenzi akazoti kwandiri, “Kunyange dai Mosesi naSamueri vakamirira vanhu ava kwandiri handaimbodzora mwoyo wangu kwavari. Chivabvisa pameso pangu vaende!
2
Kana vakazokubvunza kuti, ‘Kwotoenda kwacho ndokupi?’ iwe uvati zvanzi naTenzi: “Vedenda, vaende kudenda vebakatwa, kubakatwa, veshangwa yenzara, vaende kunzara vokuhutapwa, vaende kuhutapwa.
3
“Ndichavasarudzira zvinhu zvina zvokuvaparadza nazvo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, zvinoti bakatwa rokuvaurayisa nembwa dzokuvabvanzura uye shiri dzedenga nemhuka zvesango dzokuvazhanya nokuvaparadza.
4
Ndichaita kuti zvionese ndondo nyika dzose dzapasi pano pamusana pezvakaparwa muJerusaremu naManase mwanakomana waHezekiya mambo wokwaJudha.
5
“Ndianikowo achakunzwira tsitsi nhaiwe Jerusaremu, kana kuti ndianiwo achakuchema? Ndiani zvake achatsauka achikubvunzawo upenyu?
6
“Wakandirambaka iwe ndizvo zviri kutaura Tenzi. Unoramba uchingodzokera shure chete. Ndokusaka ndakazokubatira shamhu yokukuparadza nayo. Ndaneta nokukuitirai mwoyo murefu.
7
“Ndakavawurutsa neforogo yokuwurutsisa mumaguta enyika iyoyi. Ndakaita kuti vaone nhamo yorufu ndikaparadza vanhu vangu, asi kusiyana nenzira dzavo havana.
8
“Ndakaita kuti chirikadzi dzavo dziwande kudarika jecha rokumakungwa. Ndakaunzira vana amai vemajaya mharadzi zuva rakacheka nyika. Ndakaita kuti kurwadziwa nokutya zvingoyerekana zvavapinda.
9
“Amai vavanomwe vatambura nokuchema, vakarezuka, rakavadokera masikati machena, akanyadziswa akafumurwa, vamwe vacho vose ndichavaurayisa nebakatwa rehondo mumaoko mavavengi vavo, ndizvo zviri kureva Tenzi.”
10
Nhai amai we-e zvangu! Chamakandiberekera, ini zvangu munhu wenharo, ini matatapure munyika ino yose. Handina kukweretesa kana kukwereta munhu asi vose vanondirengerera rushambwa.
11
Tenzi akati, “Handina kukuramba here? Ndingarege here kukuunzira vavengi?
12
Munhu angagone here kutyora simbi, simbi yokuchamhembe nendarira?
13
“Upfumi hwenyu nezvinhu zvenyu zvinokosha ndichazviita kuti zvipambwe mahara munyika yenyu yose pamusana pezvitadzo zvenyu.
14
Ndichakuitai kuti mushandire vavengi venyu munyika yamusingazivi nokuti ndaviruka nehasha; moto ukabaka unoramba uchingobvira nokusingaperi.
15
“Tenzi, imi ndimi munoziva ndirangarireiwo mundishanyire mungonditsividzirawo vanonditambudza. Pamusana pomwoyo wenyu murefu musandipfuudze munozviziva wani kuti kuzvidzwa kwandinako uku kuzvidzirwa imi.
16
“Shoko renyu pandariwana ndarizeya mazwi enyu iwayo aindipa mufaro ariwo angu akanga ari mazwi apamwoyo andinofarira nokuti ndinodaidzwa nezita renyu imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo.
17
“Handina kumbogara muboka ravanhu vamafaro kana kumbopembera nokufara. Ndaingogara ndiri ndoga zvangu nokuti simba roruoko rwenyu raiva pandiri. Ndinodaro nokuti makandizadza nehasha.
18
“Ko iko kurwadzwa kwangu kusingaperi kwakaita seiko, ronda rangu risingarapiki rakaita sei risingapori? Asi kwandiri, munoda kuita sakakova kanonyengedza, semvura inopwa?”
19
Nokudaro zvanzi naTenzi, “Kana ukadzoka ndichakudzorera pabasa rako undishandire. Kana ukataura zvinhu kwazvo usingataure zvinhu zvisina maturo ndiwe uchava muromo wangu, vachadzokera kwauri asi iwewe haudzokere kwavari.
20
“Kuna vanhu ivava ava ndichaita kuti vave rusvingo rwendarira. Vachakurwisa asi havakukuriri nokuti ndinewe ndinokuponesa nokukununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
21
“Ndichakuponesa mumaoko mavakaipa ndichikununura kana wabatwa navanhu voutsinye.”
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52