bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 22
Jeremiah 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 23 →
1
Zvanzi naTenzi, “Dzika kumba yamambo wokwaJudha undotaurako shoko iri
2
rokuti: ‘Iwe mambo wokwaJudha ugere pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi, iwe namakurukota ako navanhu vako vanopinda napamisuo mikuru iyi, zvanzi naTenzi.
3
Zvanzi naTenzi itai zvinhu zvine ruenzaniso, zvakarurama muchinunura munhu anenge apambwa mumaoko maanenge achimuonesa nhamo achimudzvanyirira. Uye musakanganisire kana kuitira utsinye mutorwa kana nherera kana chirikadzi kana kudeura ropa risina mhosva munzvimbo ino.’
4
Ndinodaro nokuti mukanyatsoteerera chaizvo shoko irori, pamisuo mikuru yemba ino iyi pachazopinda madzimambo achazogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi vari mungoro dzehondo napamabhiza, ivo namakurukota avo navanhu vavo.
5
Asi kana mukarega kuteerera mazwi aya, zvanzi naTenzi, ndinopika neni pachangu kuti imba ino ichava dongo,
6
nokuti zviri kutaura Tenzi zvinonangana nemba yamambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti: “Kwandiri ini, iwe unoyevedza senyika yokwaGireadhi kudai uye somutunhu chaiwo wakakwirira weRebhanoni asi ndichanyatsokuita gwenga zvaro, guta risina ageremo.
7
Ndichavarongera mharadzi dzokuvapadza imwe neimwe nezvombo zvayo zvehondo. Dzichatemera pasi iyo misidhari yako yakaisvonaka vagoikanda mumoto.
8
“Marudzi avanhu akawanda achadarika napaguta irori, munhu wose achitaurirana nomumwe wake achiti, ‘Tenzi akadarirei chaizvo kubva aita chinhu chakadai kuguta iri rakakura sezvizvi?’
9
Ipapo vachapana mhinduro yokuti, ‘Chikonzero chacho ndechokuti vakafuratira chitenderano chaTenzi, Mwari wavo vakanamata vamwe vamwari vachivashandira.’ ”
10
Anenge afa musamucheme kana kuchema nhamo yake asi kuti motohwihwidza kuchema zvinosiririsa uyo anoenda nokuti haachadzokizve kuzoona nyika yaakaberekerwa
11
nokuti zvanzi naTenzi nezvaSharumu naSharumu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha uya akazotonga panzvimbo yababa wake Josiya, Sharumu uya akazoenda achibva kunzvimbo kuno, “Haasi kuzombodzokazve kuno.
12
Asi kuti kwaanenge aendwa naye senhapwa, ndokwaachafira ikoko uye nyika ino haazombofa akaionazve.”
13
Ane nhamo munhu anovaka imba yake nokusarurama, dzimba dzake dzemunhurikidzwa achidzivaka nezvinhu zvisiri pamutemo achiita kuti mumwe amushandire pasina, asina kana chaanomutambirisa
14
achizviti, “Regai ndizvivakire zimba gurusa, rine munhurikidzwa ine dzimba dzakafara kwazvo.” Izvozvo anoichekera muhwindo achiiti kumadziro uku tsveete kuroverera musidhari nokuipenda nependi tsvuku.
15
Heya wava kutofungawo kuti uri mambowo nhai pamusana pokukwikwidzana navamwe nezvomusidhari izvozvi izvi? Handiti baba vako vaidya nokunwa vachiita zvinhu zvine ruenzaniso zvakarurama? Saka zvinhu zvakavafambirawo zvakanaka.
16
Vaitonga zvichemo zvavarombo nezvavasina chavanacho zvikabva zvavafambira zvakanaka. Zvanzi naTenzi, “Hakusiri iko kundiziva here ikoko?
17
“Asi meso nomwoyo wenyu zviri pakubiridzira chete nokudeura ropa risina mhosva nokuita udzvinyiriri noutsinye.
18
“Ndokusaka Tenzi achitaura nezvaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo weJudha achiti: “Havasi kuzombomuchema. Vachiti, ‘Maiwe-e hama yangu!’ Kana kuti, ‘Yowe-e hanzvadzi kani!’ Havasi kuzombozviita zvokuchema vachiti, ‘Maiwe-e kani Tenzi!’ Kana kuti, ‘Changamire kani!’
19
“Achavigwa sedhongi zvaro achiita zvokuzvuzvurudzwa napasi agonzi hupukupu kukandwa kunze kwemisuo mikuru yeJerusaremu.”
20
Kwira kuRebhanoni uridze mhere ubongomore uri kuBhashani uridze mhere uri kuAbharimu nokuti vadiwa vako vose vaparadzwa.
21
Ndakataura newe uchakagarika, asi iwe wakati, “Zvokuteerera, handidi!” Ndiwo maitiro ako kubvira pauduku hwako okurega kuteerera inzwi rangu.
22
Mhepo ndoichafudza vafudzi vako vose. Vadiwa vako vose vachaendeswa kuutapwa. Ipapo uchanyara uchikangaidzwa nazvo, pamusana pouipi hwako hwose.
23
Iwe chidza cheRebhanoni nyakurererwa mudendere pakati pemisidhari uchanzwisa tsitsi pauchabatwa namarwadzo, marwadzo soumukadzi ari pakusununguka mwana.
24
“Zvanzi naTenzi, hezvino ndiripo kudai, kunyange zvazvo iye Koniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha ariye ringi rechidhindo rokuruoko rworudyi rwangu asi ini ndichakubvarura
25
ndigokuisa mumaoko avanotsvaka kupfuudza upenyu hwako, mumaoko aivo vaunotya, mumaoko aNebhukadhireza mambo weBhabhironi uye mumaoko mevanhu vechiKaridhea.
26
Iwe namai vakakubereka ndichakukandai kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa ikoko ndokwamuchafira.
27
Asi kunyika kuno kwavanenge vosuwira kudzokera, havasiri kuzodzokerako.
28
“Ko iye Koniya wava munhu akashoreka here kana kuti hari zvayo yakaputsika, mudziyo usina ani anouchengeta? Ko iye navana vake vanzarirwei kubva vakandwa kunyika yavasingazive?”
29
Nhai nyika! Nyika wee! Iwe nyika! Teerera shoko raTenzi!
30
Zvanzi naTenzi, “Nyora munhu uyo somunhu asina mwana, munhu asingazofa akabudirira mumazuva ake oupenyu nokuti hapana nomumwe wechizvarwa chake achazombogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi achitongazve kwaJudha.”
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52