bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 5
Jeremiah 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 6 →
1
Bvongodzai nomumigwagwa yeJerusaremu mutarise muongorore. Tsvakurudzai mumisika yaro muone, kana mukawana mumwechete zvake anoita zvine ruenzaniso uye ari pachokwadi, ndiriregerere guta irori.
2
Kunyange zvazvo vachiti, “NaTenzi chaiye mupenyu,” izvozvo vanenge vachipika zvenhema.
3
Nhai Tenzi, handiti meso enyu anotsvaga chokwadi here? Kuvarova makavarova zvenyu asi hazvina kuvarwadza. Makavakuya, imi, asi vakaramba kudzorwa. Vakatoomesa musoro kutopinda dombo, vakaramba kutendeuka.
4
Ini ndokuti, “Ava vanhu varombo zvavo chete havanzwisisi nokuti nzira yaTenzi havaizivi, iwo mutemo waMwari wavo.
5
Ndichaenda kuvakuru vakuru vacho ndigotaura navo nokuti vanoziva nzira yaTenzi, iwo mutemo waMwari wavo. Asi vose zvavo vakaita zvimwechetezvo vakatyorawo joko racho vakadambura zvitorobho.
6
“Naizvozvo shumba ichabva mudondo ivauraye, mhumi yokugwenga ichavaparadza; mbada iri kuhwandira mumaguta avo. Ani naani anongobudamo achabvamburwa-bvamburwa. Nokuti kukanganisa kwavo kwawanda; umhandupandu hwavo hwanyanya.
7
“Ndingagokuregererai seiko? Vana venyu vakandifuratira vakatopika zvavo navasiri vamwari. “Pandaivapa chokudya vachiguta ivo ndopavakaita upombwe vachiunganidzana kudzimba dzepfambi.
8
Vakanga vava mikono yamabhiza yakakodzwa yava kuda makadzi, rimwe nerimwe rohwihwidzira mukadzi werimwe raro.
9
Ndingarege here kuvarangira zvinhu izvozvi? Ndozviri kutaura Tenzi. Ndingarege here kutsividza rudzi rwakaita sairworu?
10
“Pindai nomumitsara yemigirepisi yake muchiparadza, asi musabva maparadza zvachose. Mukwazhurei mapazi ake nokuti haasi mapazi aTenzi.
11
Ndinodaro nokuti vemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha, vakanga vari vanhu vasina kunyatsotendeseka kwandiri. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
12
Vanoreva nhema nezvaTenzi vachiti, “Hapana chaanoita uyu. Hapana nhamo ichatiwira. Hondo yemapakatwa, hatisi kuzomboiona isu, kana zveshangwa yenzara.”
13
Vaporofita vangova mhepo zvayo mavari hamuna shoko racho. Saka izvozvo ndozvichaitwa kwavari!
14
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari wehondo nehondo, “Chinzwa, pamusana pomuromo wavanotaura iwoyo, ndichaita kuti mazwi angu anobva mumuromo mako ave moto, vanhu ivava vanenge vari ivo huni dzacho; moto iwoyo uchavaroromesa.”
15
Chinzwai, imi vemba yaIsiraeri ndiri kukuunzirai rudzi rwavanhu, vanobva kure, kure ndizvo zviri kutaura Tenzi. Rudzi rwacho rudzi rwapasichigare rudzi rwaivapo kubvira chingo nechingo, rudzi runo mutauro wamusingazivi vamusingagoni kunzwisisa kutaura kwavo.
16
Mukutu wavo unenge guva rakashama, vose zvavo magamba okurwa chaiwo.
17
Vachadya goho renyu nechokudya chenyu Vachaparadza vanakomana venyu navanasikana venyu. Vachadya matanga emombe dzenyu neezvimwe zvipfuwo zvenyu. Vachadya magirepisi enyu uye maonde enyu. Maguta enyu etsvingo amunovimba nawo vachaaparadza nehondo yebakatwa.
18
Asi zvanzi naTenzi, “Kunyange mumazuva iwayo handisi kuzobva ndakutsakatisai.
19
Vanhu vokwako ava kana vokubvunza vachiti, ‘Tenzi, Mwari wedu akaitireiko zvinhu izvi kwatiri?’ Iwe vataurire kuti, ‘Sokundifuratira kwamakaita muchindonamata vaMwari vasiriivo munyika menyu, saizvozvowo muchandonamatawo vamwari vasirivo kunyika isiri yenyu.’ ”
20
“Paridzai izvozvi kune vemba yokwaJakobho; zivisai izvozvi mune vemba yaJudha.
21
Chinzwai izvi mazungairwa avanhu, vanhu vasina pfungwa, vana maziso, asi havaoni, vane nzeve, asi kunzwa vasinganzwi.
22
“Tenzi anoti, hamundityi here, uye hamundidederi here? Ini ndakaisa jecha samahombekombe egungwa. Muganhu wokugara wakadaro warisingagoni kudimura. Kunyange mafungu akausunda haanga usudurudze kunyange zvazvo akatinhira haakwanisi kuudarika.
23
Asi vanhu ivava itsvuuramuromo dzavanhu vane mwoyo woumhandupandu vakatsauka vakateterekera kure.
24
Mumwoyo mavo havambozvitiwo, ngatityei Tenzi, Mwari wedu, anonayisa mvura mumwaka wayo; nemvura yobumharutsva neyomunhuruka, nokutipa masvondo akatemerwa nguva yokukohwa.
25
Uipi hwenyu ndohurikuzvitandira kure, zvitadzo zvenyu ndizvo zviri kukutadzisai kuwana zvakanaka
26
nokuti pakati pevanhu vangu pane vamwe vanhu vakaipa. Vanohwandira savateyi veshiri vakagaririra. Vanoteya chokuteyesa vachibata vanhu.
27
Setswanda yokuteyesa shiri yazara nadzo, dzimba dzavo dzakati pamu pamu kuzara nezvinhu zvoujarijari. Saizvozvo vava mbombo chaidzo dzakapfuma,
28
vakakora, vakaita miviri unoyevedza. Kuita kwavo kwouipi hakuna muganho, havatonge zvine ruenzaniso; mhaka dzenherera kuti dzibudirire. Havambomiririra varombo pazvinhu zvinofanira kuve zvavo.
29
“Tenzi ari kuti ndingarege here kuvarangira zvinhu izvozvi? Ndingarege here kutsividza rudzi rwevanhu vakadai urwu?
30
Kwaitika chinhu chinodumbirisa chinhu chakaipisisa kwazvo munyika ino
31
chokuti: vaporofita vari kuporofita zvenhema vapristiwo vachitonga vachingoita kuti zvivanakire. Vanhu vangu ndozvavari kutodawo zvakadaro izvozvo, asi muchaita sei kana kuguma kwazvosvika?”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52